Uncategorized

us$6 000 yejuju yava nyoka

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
us$6 000 yejuju yava nyoka Nyoka

Kwayedza

Danisa Masuku ari kuBINGA
MURUME wekuBinga wekunoromba mushonga wekupfuma kun’anga yekuMalawi ava kuzvidemba mushure mekunge apihwa juju yemashizha ayo ave kusanduka achiita nyoka inomunanzva muviri wose ichirwisa vana vake.

Pane imwe nguva, mushonga wemashizha uyu wakatombosanduka ukaita US$6 000.

Zaman Mwembe (35) nemudzimai wake Cationer Ncube (26), vanogara kuWadhi yeMucheso, vanoti vanorarama upenyu hwekutambura izvo zvakatuma murume uyu kunoromba kuimwe n’anga yekuMalawi vachitsvaga kupfuma.

Mwembe anoti n’anga iyi yakamupa mushonga wemashizha ndokumuti anougarisa musutukezi yake umo uchapota uchisanduka kuita mazimari.

Sezvaitarisirwa nemhuri iyi, mashizha aya anonzi akambosanduka achiita mari vanhu ndokugara “tatata”.

Asi Mwembe haana kuziva kuti zvinhu zvaizomuipira nekufamba kwenguva.

Mwembe akazosvika pakudura dambudziko raakatarisana naro kune vamwe vatungamiriri vemudunhu iri vanosanganisira Sabhuku Champion Mwembe, Falls Mungombe, Million Mundende naMambo Sikalenge ndokuwirirana kutsvaga muporofita kana n’anga ingamununure.

Zaman Mwembe nemudzimai wake Cationer Ncube

“Ndakaenda kuMalawi gore rapera kunotsvaga mushonga wemhanza yekuita mari kuitira kuti ndiwane mari yakawanda zvikuru sezvo ndairarama upenyu hwekutambudzika. Ndaitadza kuriritira mhuri yangu nekuendesa vana vangu kuchikoro.

“Ndaiva mumwe wevanhu varombo vekupedzisira munharaunda medu,” anodaro.

Mwembe anoenderera mberi achiti, “N’anga iyi yakandipa mushonga wemashizha ndokundivimbisa kuti aizosanduka achiita mari uye zvechokwadi akambosanduka akaita mari.

“Mari yekutanga yaive US$6 000. Ndakabva ndafunga kuti upenyu hwangu nehwemhuri hwatosanduka kuve zviri nani asi zvinhu zvazongoipa pava pashure.” 

Muhurukuro iyi, murume uyu airatidza kushushikana kukuru.

Anoti mushure memazuva mana, mari iya yakasanduka kuita nyoka uye kubvira ipapo yakabva yatanga kumushaisa rugare.

“Nyoka inondinanzva uye izvi zvaitika kwemwedzi mitatu,” anodaro.

Mwembe anoti vana vake vaviri vari kurwara zvakanyanya uye akaudzwa neimwewo n’anga kuti izvi zviri kukonzerwa nemushonga waakanotora kuMalawi.

“N’anga yekuno iyoyi yakatadza kubvisa mushonga unosanduka uchiita nyoka uyu.”

Anoti akanozvipira kuna sabhuku naMambo Sikalenge avo vakatsvaga muporofita wekuti abate nekuuraye nyoka iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey