Uncategorized

Usaende kumasowe, izvi hazvidi madzibaba

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
KUNE zvinhu zvakawanda zviri kuitika. Kana usiri kuzviona usapedze nguva uchienda kumasowe nekuti hazvidi madzibaba.

Vanhu vazhinji vari kuurayiwa nevamwe vanhu kudarika vanourayiwa nemhuka.

Kana zvakadaro chiri nani chii, mhuka ine humhuka nemunhu ane hunhu hwemhuka?

Ruvengo rwakasviba setsito, ruvengo rwunorwadza sekupfumbatiswa mazimbe rwatanga zvakare kuSouth Africa. Vatorwa muSouth Africa vari kuvhimwa semhuka.

Muno muZimbabwe tichiri kutsvaga mitumbi yevakashaikwa padutumupengo Cyclone Idai. Muno muHarare mumwewo murume ari kutsvagwa nemapurisa nekuti akapfura akauraya aimbove mudzimai wake, nevaimbove tsano vake.

Kune vanhu vanoenda kunorara, asi vachisiya misuwo yedzimba dzavo yakavhurika. Vanhu ivavo vanozoti kana vapindirwa nekubirwa nematsotsi, voti Mwari vadarirei.

Tine vanhu vakawanda vari kubirwa nekuti vari kukoka matsotsi. Tine vanhu vakawanda vari kuitiswa naSatani, nekuti Satani anoti akavatarisa, anoona zviri mavari zvichimufadza nekuti zvinhu zvake.

Newewo unei chaSatani chiri mauri, chinoita kuti kana akakuona haarwe newe kuti apinde, asi anongopinda asina kurambidzwa ototi, “Muno ndimo mangu chaimo nekuti mune stove iri kubika tea yeruvengo yatichanwa nechingwa chehasha tichibuda dikita rehuipi.”

Muhupenyu ngatidzidze kuvhara misuwo yatakambopinda kana kubuda nayo.

Misuwo hairambe yakavhurika kana tapinda kana kubuda. Kana ukasiya musiwo wakavhurika mushure mekunge wapinda kana kubuda, unogona kuzvivhurira mhepo.

Kana ukadanana nemunhu, asi mozopesana nekuda kwezvinhu zvinoitika muhupenyu, hazvireve kuti dzokera ikoko kwawakavharirwa panze kana kwawakabuda nako kuti unopaza nekupfura vanhu.

Kana wakanga uri mukuru pabasa, asi basa iroro rikazopera nekuti kwakawanikwa mumwe akakodzera kuti apinde ipapo, ziva kuti musiwo wawakabuda nawo wakatovharika, uye hauvhurwe nesimba.

Ichokwadi tinoti rudo rwuri mumwoyo, asi hatikwanise kucheka chipfuva  nekutema mbabvu kuti tisvike pane mwoyo. Mwoyo muti unomera paunoda!

Kana rudo rwatama, ziva kuti chinokura chinenge chakotama, musoro wegudo unenge wave chinokoro. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunamata achiti, “Mutiregererewo mhosva dzedu, sekuregerera kwatinoita avo vanotitadzira.”

Sei Mwari vachiti tiregerere vanotitadzira? Kusaregerera musiwo wakavhurika. Kusaregerera mukana wekuti nyoka nematsotsi zvipinde nepamusiwo wako. Kuregerera kuvhara musiwo.

Kuregerera hakusi ny’ore, asi kunokwanisika. Kana Mwari vachiti tiregerere, asi isu torega kuregerera zvinoreva kuti hatiteerere Mwari. Kana tisingateerere Mwari, hatifanire kutarisira kuve nehukama navo.

Ndinoziva vanhu vakacherwa sembambaira zvekuti pavakanga vachicherwa havana kungosiiwa pachena, asi vakatemwa nebadza remucheri. Panyika pano pane vanhu vakaipa, vanomiririra Satani, asi huipi hwavo haufanire kutiita kuti nesuwo tive vaipi. Kana tikange tisingaregerere, tiri kutaura kuti hasha dzedu neruvengo rwedu pamusoro pevakatitadzira ndizvo mwari wedu.

Kuregerera vanotitadzira kunodiwa naMwari nekuti kusaregerera kwakafanana netsvina inonhuhwa uye inokoka nhunzi. Kusaregerera imhando yemharidzo, kufananawo nekuregerera.

Hazvirambidzwe kuti kana watadzirwa urwadziwe kana kugumbuka, asi kurwadziwa kana kugumbuka kwako hakufe kwakave chiyedza. Satani anoshanda nezvironda, nekutsamwa neruvengo nezvigubhu zvakazara zvigumbu.

Sekutaura kwaMartin Luther King, rima harigone kudzinga rima; chiyedza chete ndicho chinogona kudzinga rima.

Ruvengo, hasha, rough, kugumbuka sechigubhu chine doro ravira hazvikwanise kudzinga rima.

Rudo chete chete ndirwo rwunokwanisa kudzinga rima.

Kana ukaregerera unenge wazvisunungura kuti ukwanise kupfuurira mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey