‘Utano ikodzero yemusungwa’

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Utano ikodzero yemusungwa’ VaPercy Gwerume (kubva kuruboshwe), VaNgoni Chibukire naAsst Comm Alford Dube.

Kwayedza

VaPercy Gwerume (kubva kuruboshwe), VaNgoni Chibukire naAsst Comm Alford Dube.

VaPercy Gwerume (kubva kuruboshwe), VaNgoni Chibukire naAsst Comm Alford Dube.

VASUNGWA vari kupikira mhosva dzakasiyana kumajeri ari kumativi mana enyika vane kodzero yekuwaniswa utano hwakanaka pamwe nekudya kwakakwana.

Izvi zvakabuda pamusangano wevatori venhau wakaitwa muHarare nesangano reSouthern Africa HIV and AIDS Information Dissemination Service (SAFAIDS) rakabatana neZimbabwe Prisons and Correctional Services (ZPCS) nemusi weChipiri svondo rino.

Deputy Director Health Service kuZPCS, Assistant Commissioner Alford Dube, vanoti utano hwevasungwa mumajeri mazhinji hwakaderera nekuda kwekushaikwa kwezvekushandisa zvakakwana uye mimwe mitemo, tsika nemagariro zvisingacherechedze kana kukoshesa vanhu vanenge vatenherwa mumajeri.

“Tine mitemo yePrison Act nePublic Health Act asi mitemo iyoyo yaizoenda kumberi kwakanyanya mukucherechedza zvinodiwa kuutano hwevasungwa. Somuenzaniso, kana musungwa asati apinzwa mujeri anofanira kutanga avhenekwa kuti paonekwe kuti haana here zvimwe zvirwere zvaangatapurire vamwe vasungwa seTB (rurindi), cholera nezvimwe.

“Asi dambudziko nderekuti hatina zvivakwa zvakakwana zvekuti tinge tichitenhera vasungwa vakadaro kwavo voga.

“Mumajeri edu vasungwa vakawandisa asi zvivakwa zvacho hazvina maburi akakwana anopinza mweya saka mikana yekutapurirana zvirwere mumajeri yakawanda. Kunyangwe utachiona hweHIV hunoramba huchitekeshera mumajeri nekuti hatitenderwi kupa vasungwa dziviriro yemakondomu sezviri kuitwa nedzimwe nyika uye nhau dzechingochani dzakawanda zvikuru kuvasungwa vechirume apo vanobata vasungwa vatsva kana vechidiki,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mhirizhonga yepabonde kuvasungwa ndiyo iri kuita kuti HIV irambe ichiwanda nekuti vasungwa kana vachinge vazobuda vanodzokera kudzimba uko vanonotapurirawo vadikanwi vavo.”

Asst Comm Dube vanoti Hurumende iri kutora matanho ekusimudzira utano hwevasungwa sekuvawanisa mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) nekuvavheneka utachiona hweHIV.

“Vamwe vasungwa vanogona kumbunyikidzwa nevachengetedzi vavo mumajeri kuti vawaniswe kudya kana pekurara pakanaka nezvimwe. Dambudziko nderekuti nyaya dzerudzi urwu hadzisi kunyanya kubuda pachena nekuti vaparirwi vemhosva, vanova vasungwa, vanogona kutya kana kusava neruzivo rwekuti vane kodzero dzekuchengetedzwa nemutemo.

“Majeri aripo pakunatsurudza hunhu hwevanhu saka tinofundisa zvakare vanhu vari munharaunda kuti vatambire hama dzavo apo dzinobuda mumajeri,” vanodaro.

Mukuru anoona nezvekushambadzwa ari zvakare mukushi wemashoko kuSAFAIDS, Tariro Makanga-Chikumbirike anoti vanhukadzi vari mumajeri vanosanganawo nematambudziko ekuti vange vachiwanisa vana vavo kudya kunovaka muviri uye vamwe vacho vanogona kumbunyikidzana pachavo nenzira yepabonde asi nyaya idzi dzichiperera murima.

VaNgoni Chibukire vanove head of programmes kuSAFAIDS vanoti kune mamwe majeri avakashanyira kunyika dzakaita seSouth Africa vakaona kuti vasungwa vari kubatwa zvakanaka sezvo mumajeri imomo vachikwanisa kuwaniswa mishonga yakakwana nezvekushandisa mukudzivirira zvirwere zvepabonde.

“Kuti vasungwa vange vachibatsirika, sezviri kuitwa kune dzimwe nyika, majeri anofanira kuvakwa akakura uye aine zvekushandisa zvakakwana. Nyika ino inoda kuti inge ichitsigirwa nezvekushandisa kuti majeri edu ange achisimudzirwa,” vanodaro.

VaPercy Ngwerume, avo vanove murongi kusangano reSAFAIDS vanotiwo madzimai ari mumajeri anofanira kucherechedzwa munyaya dzeutano hwavo hwesikarudzi.

Zvakadai, Asst Comm Dube vanoti nyaya dzekuti vasungwa vari mumajeri vange vachiwaniswa nguva nevadikanwi vavo dzekuita bonde hazvienderane netsika nemagariro evatema.

Vanoti zvakare izvi handizvo zvinoderedza kupararira kwezvirwere zvepabonde mumajeri sezvo kuine nyaya dzakawanda dzinofanira kunzverwa zvisati zvapasiswa..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey