‘Vahosi vari kuroya nyachide wangu’

06 Feb, 2023 - 14:02 0 Views
‘Vahosi vari kuroya nyachide wangu’ Dare

Kwayedza

Tanyaradzwa Mujati

MUDZIMAI wekwaMutare anonzi akashinhirira mukadzi mudiki wemurume wake nekuda kweshanje kuti arambe achingotevera zvisingagumi izvo zvave kukonzera kuti murume uyu ashandise mari yakawanda yekurapisa nyachide wake kun’anga nekumaporofita.

Murume uyu ava kutaura kuti nekuda kwedambudziko iri, haachakwanisa kuriritira mhuri yavahosi.

Ari kuti mari yose yaaifanirwa kuchengeta mhuri yake ava kuishandisa kurapisa mudzimai wake wechipiri.

Nyaya iyi yakabuda mudare reMutare Civil Court apo Tatenda Karwizi aikumbira kuti dare riwedzere mari yemendenenzi iri kubhadharwa nemurume wake, Justine Mudziko.

Karwizi aida kuti dare iri riwedzere mari yemendenenzi kuti isvike US$300 pamwedzi pavana vaviri.

Mutongi VaXavier Chipato vakati Mudziko anofanirwa kubhadhara US$120 pamwedzi yekuchengeta mhuri yake.

Mudziko anoti kubva paakabva pamba pake, ari kuita minyama mikuru nekuda kwekuti mudzimai wake wechipiri ari kuramba achitevera izvo anoti zviri kukonzerwa naKarwizi.

“Kunyange ndikada zvangu kubhadhara mari iri kudiwa iyi, handikwanise. Mudikani wangu ari kuramba achitevera, atosvika mwedzi izvozvi. Takashanyira maporofita nen’anga tikataurirwa kuti zviri kukonzerwa naKarwizi.

“Pamusoro pezvo, akavhundutsira mukadzi uyu nekumubvunzurudza achiti aitambira ‘kunhandare’ inomukuvadzisa achibva atanga kubuda ropa zvisingagumi, ndiye akamuroya. Saka mari yandaifanirwa kunge ndichimupa kuti ashandise kuchengeta vana ndiyo yandava kurapisa mukadzi uyu kuti asarambe achibuda ropa kuti arege kufa,” anodaro Mudziko.

Anoti Karwizi ari kuzama mazuva ose kuparadza rudo pakati pake nemudzimai wake mutsva uyu uye nekumuita kuti ashaye simba pabonde nekumurwadzisa musana.

“Musana wangu wava kurwadza, handichakwanisa kuita bonde zvakanaka nekudaro zvose izvi zviri kupedza mari yangu. Anofunga kuti ndinowana kupi mari achiona kuti upenyu hwakaomera munhu wose muZimbabwe,” anodaro Mudziko.

Anoti akasiya musha wake awanikidza Karwizi aine chikomba icho akanyepa kuti chaive kasitoma yake.

Mudziko anoti anokwanisa kubhadhara US$40 yekuchengeta vana vaviri izvo zvakarambwa naKarwizi achiti ishoma zvikuru.

Karwizi anotiwo mashoko ose ari kutaurwa nemurume wake ndeemanyepo.

“Murume uyu munyepi mukuru, haachengete vana vake. Ishasha yemutambo wenjuga, anopedzera mari yake munjuga, ndizvo zvaikonzera kuti tigare tichirwa mumba medu. Ndairarama nekutengesa hove nemasoseji kumba kwedu achiba mari yandatengesa zvinhu iyoyo achinotambisa njuga,” anodaro Karwizi.

Anoti Mudziko anofungidzira kuti murume wose asvika pamba pavo anodanana naye.

“Ndinotengesa hove saka vanhu vanouya vachitenga kumba kwedu, handigone kurega kutaura nemakasitoma nekuti ndivo vanondipa mari,” anodaro Karwizi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey