Uncategorized

Vakaroverwa kuvakira guva

17 May, 2021 - 15:05 0 Views
Vakaroverwa kuvakira guva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI igere mubhuku raRudhanda, kwaMambo Bota, kuZaka, kudunhu reMasvingo, inonzi yakarohwa husiku nevanhu vasingazivikanwe svondo radarika vachinzi sei vakavakira guva remwanasikana wavo, iro rainge rambofuma rakafukunurwa achangobva mukuvigwa.

VaAntony Chengetanai (52) vakashaikirwa nemwanasikana wavo Evidence Chengetanai (30), ndokuviga mutumbi wake pamakuva epamusha pavo asi ndokuzofuma vachiona guva iri rakafukunurwa.

Nyaya yekufukunurwa kweguva iri yakabuda mubepanhau reKwayedza svondo rakapera uye rakazofushirwa izvo zvinonzi zvakakonzera kutaura kwevanhu vakawanda mudunhu iri.

“Makaita zvenyu basa nekuburitsa nyaya yekufukunurwa kweguva remwana wangu muKwayedza. Kumavambo kwesvondo rino, takazovakira guva iri nemhuri yangu asi takazoona husiku hwacho chikwata chevarume vaisvika gumi vachiuya pamba pedu vachiti taisafanirwa kuvakira guva iri,” vanodaro VaChengetanai.

Vanoti vanhu ava vakauya vachiti vakatumwa nevamwe vakuru vemunzvimbo iyi vavasina kudoma nemazita kuti guva iri raisafanirwa kuvakirwa.
“Vanhu ava vakasvika kuma8 dzehusiku vachiti taiva tatyora tsika dzemudunhu nekuvakira guva iro ravanoti rakasviba. Mumwe wevarume ava aiva nebanga akabva andicheka paguvhu ndichibva ndawira pasi.

“Ndakachema asi havana kuita basa nazvo, ndokundirova ndiri pasi vana vangu vakaedza kubatsira asi vakakurirwa,” vanodaro.
VaChengetanai vanoti havasati vaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa sezvo vari kuvhundutsirwa nevanhu ava vachinzi vakangoenda kumapurisa bedzi, vanouraiwa kana kutamiswa munzvimbo iyi.

“Kubva pakafukunurwa guva remwana wangu, ndakasvitsa nyaya iyi kumasabhuku ekuno nemadzishe ndichitsvaga rubatsiro kuti chivanhu chacho chinogadziriswa sei. Asi hapana akasimudza musoro nazvo, ndokubva ndangofushira guva iri ndoga pakazoguma ndava kunzi ndakapara mhosva.
“Handizive kuti mhosva yangu iri papi uyewo ingava mhosva here kuvakira guva remwana wangu?”

VaChengetanai vanoti vanhu vakavarwisa havana kuvaziva nekuti maiva murima uye kunyange mazwi avo havana kumboabata.

“Kubva pakafuma pakafukunurwa guva remwana wangu, tava kugara pamusha pedu pachingotaura vanhu nemazwi echirume vatisingaone uyewo tinonzwa mutsindo panze,” vanodaro VaChengetanai.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti nyaya yakadai inofanira kumhan’arwa kumapurisa.
“Kana nyaya dzakadai dzaitika, vanhu ngavamhanye kumapurisa kunomhan’ara vapari vemhosva vosungwa uye voendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Dhewa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey