Vakawanda vari kupona Covid

16 Feb, 2022 - 14:02 0 Views
Vakawanda vari kupona Covid Dr Mangwiro

Kwayedza

Tandayi Motsi

VARWERE vari kupona kubva kuchirwere cheCovid-19 pari zvino chikamu che96 percent unove mucherechedzo webudiriro huru yekuti matanho ari kutorwa neHurumende mukurwisa kupararira kwedenda iri ane zvibereko zvinobatika.
Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza zvakare kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi huri kudzikira.

Nemusi weChipiri svondo rino, vanhu vana (4) vakafa nedenda iri apo vamwe 260 vakaonekwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa munyika yose.

Asi kubvira nemusi weMugovera kusvika Muvhuro svondo rino, hapana akafa nedenda iri.

“Vanhu 260 vabatwa vaine chirwere ichi apo vamwe vana (4) vafa nhasi (Chipiri). Varwere 751 vapona. Huwandu hwevari kupona munyika yose hwaramba huri pa96 percent,” rinodaro bazi iri.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 231 863 vange vawanikwa vaine Covid-19 kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020.
Pavarwere ava, 224 088 vakatopona asi vamwe 5 378 vakafa.

Nerimwe divi, vanhu 4 318 425 vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) yekudzivirira chirwere ichi apo 3 349 207 vange vabaiwa yechipiri (2nd dose).

Vamwe 86 364 vange vabaiwa nhomba yechitatu (booster).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kuwanda kuri kuita varwere vari kupona kudenda iri mucherechedzo wekuti mamiriro ezvinhu ari kuenda achidzikama.

Mwedzi wadarika, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakati Omicron variant inoratidza kuti ine huturu hwakanyanya kudarika Beta variant iyo yakakonzera kunyuka kwechikamu chechipiri cheCovid-19 muno.

Dr Mangwiro vanoti kupora kuri kuita varwere vakawanda veCovid-19 zvinoreva kuti Zimbabwe iri mugwara rakanaka panyaya yekurwisa denda iri.

“Vanhu vari kuterera zviri kutaurwa neHurumende, vari kutevedzera matanho ekudzivirira chirwere ichi, vari kupfeka mamasiki uye vari kubaiwa nhomba. Vanhu vakawanda vari kubaiwa nhomba, chinove chinhu chakanaka,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vakangwarira panyaya yekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi vachiti Covid-19 ichiriko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey