‘Vana vako vanondisveeredza ndichigeza’

26 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
‘Vana vako vanondisveeredza ndichigeza’ Tambudzai Matengo

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti atambudzwa nekushungurudzwa nemukadzi waanoroja naye pamba pamwe chete uyo anomurova uye nekutuma vana vake kuti vamupindire achigeza vomusveeredza.

Maud Kamubewa akamhan’arira Tambudzai Matengo kuHarare Civil Court achiti haasisina rugare pamba paari kuroja sezvo achigara achimufurufusha.

“Mai ava vane pamuromo pasingaite, mumwe musi vakandibatira banga ndichida kuyedza kununudza vana vedu vairwa vakazosvika pakundirova mbama kumeso,” anodaro Kamubewa.

Anoenderera mberi achiti: “Vanondituka pese pandinobva kunogeza vachinditi unovhaira nemuviri muhombe, unofunga kuti unoshamisa chii? Pamwe pacho vanofurira vana vavo kuti vandisvereredze ndisina kupfeka, vanovhura gonhi votanga kuita ruzha.”

Achipawo divi rake, Matengo anotsinhira kuti akarova Kamubewa nekuda kwekuti ane pamuromowo.

“Mai ava havadi kubhadhara magetsi, ndikavabvunza vanotanga kutaura ganyabvu ndokusaka ndakazovarova zenya kumeso. Zvimwe zvacho vari kunyepa, makambozviona kupi kuti unovhurira mumwe gonhi asina kupfeka wotanga kumusveeredza? Zvakare, handina kumbobvira ndakavabatira banga asi kuti mwana vavo ndiye akabatira mwana wangu banga,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vakashamisika nenyaya iyi ndokubvunza vaviri ava kuti chii chiri kunyanya kunetsa kuti vatsvage kumwe kwekugara kwakasiyana sezvo vose vari maroja.

Kamubewa akati achazobva hake pamba apa asi anokumbira gwaro redziviriro rekuti Matengo asarambe achimushungurudza.

Mutongi Mashavira vakapa Kamubewa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey