Uncategorized

Vanogona kusaroora zvachose’

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), VaFriday Chisanyu, vanoti dambudziko revarume ava rinofanirwa kugadziriswa nekukasika vasati vatadza kuita vana zvachose. “Varume ava vanoda kubatsirwa nekuti vachakanganisika pakurarama kwavo sevarume zvekuti havazokwanisa kuita madzimai kana vana zvachose. Zvinovaita chingochani izvi zvikwambo kana kuti zvidhoma,” vanodaro.

Vanoti kana vakomana ava ngavazvifambire voga vogadzirisa dambudziko ravo pane kumirira vamwe vemumhuri.

Madzibaba Mossie vekwaMachipisa, kuHighfield muHarare, avo vanopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu, vanotiwo nyaya yevarume ava inosuwisa zvikuru uye vanofanirwa kuti vadzikinurwe nenguva.

“Varume ava vari kushandisirwa mhando yemishonga yekutsvaga mari inobva kudzin’anga dzenyika dzinoti Nigeria, Kenya, Uganda, Democratic Republic of Congo, South Africa, Mozambique kana Malawi. Kunyika idzi kune mhuka dzinopihwa vanhu kana vachida mari zvoshandisa vanhu kushinha navo, kuvasveta ropa nezvimwewo apo vanhu vanenge vachiita mari zhinji,” vanodaro Madzibaba Mossie.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey