Vanoshanda neveruzhinji ngavaite basa ravo nemazvo: nassa

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Vanoshanda neveruzhinji ngavaite basa ravo nemazvo: nassa

Kwayedza

SANGANO rakazvimirira reNational Association of Social Workers rinoti zvakakosha kuti vanoshanda neveruzhinji munharaunda dzakasiyana vaite basa ravo nemazvo, zvikuru nechinangwa chekusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Vachitaura nevatori venhau muguta reHarare nguva yadarika, mukuru wesangano iri VaArron Zinyanya vanoti chishuwo chavo chekuti vanoita basa iri vave nemucherechedzo wakanaka.

Vanoti vanoshanda neruzhinji ava (social workers) vakakosha nekuti vanopanga mazano akasiyana zvakaita sekuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV pamwe nevakaremara mitezo.

Izvi, vanodaro VaZinyanya, zvinobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nemakoreji nemayunivhesiti anofundisa vadzidzi vanozoshanda neveruzhinji nedonzvo rekuvandudza zvidzidzo izvi.

VaZinyanya vanoti vane mapoka anofamba mumisha nemukambani achikusha mashoko echenjedzo pamusoro pekuchengetedza utano nezvimwe.

“Chatiri kuda kuzadzisa ndechekuti vanhu vanzwisise donzvo redu, tiripo pakuvandudza ruzivo maererano nekodzero dzevanhu pane zvinosanganisira nyaya dzeutano nekugarisana kwevanhu munyika zvakanaka zvine runyararo.

“Munharaunda tiri kubatawo zvakare zvirongwa zvekupanga mazano maereano nekodzero dzeutano hwevana sezvo vamwe vechidiki vanowanikwa vachitora zvinodhaka.

‘‘Tinovapanga mazano ekuvavaka hupenyu hwakanaka kuitira kuti vatange mabhindauko ekuti vawane chouviri vasagarira mawoko kana kuita mabasa asina kunaka,” vanodaro.

Vanoti vari kushandawo nemasangano akasiyana anobatsira vakaremara mitezo nedonzvo rekusimudzira raramo yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey