Varwere vepfungwa munguva yeCovid

16 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Varwere vepfungwa munguva yeCovid

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varwere vepfungwa reZimbabwe National Association of Mental Health (ZIMNAMH) rinoti vechidiki vanorwara nepfungwa vari kuwanda kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 munyika muno gore rapera.

Vanoti izvi zvinotevera kutora zvinodhaka kuri kuitwa nevechidiki.

VaIgnitius Murambidzi, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti kubva kumavambo egore ra2020 kusvika zvino, chikamu chevechidiki vari kurasika njere nevamwe veruzhinji chawedzera.

“Covid-19 idenda rakonzera kusagadzikana kwezvinhu pasi rose apo mhuri dziri kufirwa nevabatsiri uye nherera dzichiwanda. Kuchikamu chevechidiki, tinoona kuti vakatanga kutora zvinodhaka semutoriro, musombodhiya, mbanje nezvimwe zvinonzera kuti vamwe vavo vagume vave kurasika pfungwa,” vanodaro VaMurambidzi.

Vanoti vamwe vechidiki, nekuda kwekushaya zvekuita panguva ino yekurwisa denda reCovid-19 apo zvikoro zvakambovharwa, vari kugara kudzimba uye havana zvinovavaraidza zvinoita kuti vapedzisire votora zvinodhaka.

“Sangano redu tine makomiti ari kunzvimbo dzose dzenyika ari kuunganidza matambudziko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19. Tinoona kuti dambudziko guru nderevechidiki vari kutora zvinodhaka zvakadarikidza izvo zvave kukonzera kuti vagume vorasika njere.”

VaMurambidzi vanoenderera mberi vachiti, “Sangano redu riri kupa mazano ekuvamba mabhindauko ekuzviriritira kune vechidki nevamwe vanhu kuti vawane zvekuita. Tine zvikamu zviri kushanda nemakambani anotengesa hukwana kuti vechidiki vawaniswe huku dzenyama kunyangwe dzemazai dzekuzviraramisa uyewo tiri kutaura nevanopfuya tsuro kuti vechidiki vedu vatange mabhindauko aya.”

VaMurambidzi vanoti vamwe vechidiki vave kupedzisira voita zvemhirizhonga mudzimba mushure mekutora zvinodhaka.

“Kune vechidiki vave kurwisa vabereki nevamwe vanovachengeta nekubawo zvinhu mudzimba dzavanogara vachinozvitengesa kuti vawane mari yekutenga zvinodhaka kana kuita mutengano wegudo.”

Vanoti kunze kwevechidiki, kune vanhu vechikuru zvakare vari kusanganawo nematambudziko ekutora zvinodhaka zvichizokonzera kuti vamwe vagume vatiza misha.

“Varume vakuru vari kuonekwawo vave kugara muma’base’ anotengeswa zvinodhaka zvakaita semutoriro vorega kudzokera kudzimba izvo zvave kukonzera kutambura kwemhuri dzisina vanoriritira. Tinoti kudhakwa handiko kunopedza matambudziko mudzimba, vanhu ngavazvishandire uye baba vemba vakatanga kurwara nepfungwa kureva kuti mhuri yava kutarisana nenhamo huru,” vanodaro VaMurambidzi.

Hurumende nguva yadarika yakatanga chirongwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki kuburikidza nekubatsira vechidiki ava pamwe nekusunga vanotengesa zvinodhaka izvi.

VaMurambidzi vanoyambirawo veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutuka nekushora vanhu vanorwara nepfungwa vachiti vanoda kutsigirwa uye vogara vachipihwa mishonga yavo yekuti vadzikame pfungwa dzavo.

“Varwere vepfungwa havana vanhu vanokurumidza kuvatarisa kuti vari kurwara kunyangwe naicho chirwere cheCovid-19 nezvimwe. Ikurudziro yedu kuti vakurumidze kumhanyiswa kuzvipatara nekumakiriniki kuti vanorapwa,” vanodaro VaMurambidzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey