Vatambi vakakosha: Matawu

16 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Vatambi vakakosha: Matawu Clemence Matawu

Kwayedza

Abel Ndooka

MANEJA mutsva wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors — Clemence Matawu — anoti anoda kushandura hupenyu hwevatambi nekuona kuti zvose zvavanoda zvagadziriswa.

Matawu nguva pfupi yadarika akagadzwa kuve maneja nekomiti yeZifa Normalisation Committee iyo iri kutangamirira basa resangano iri.

Basa rake rekutanga akaenda nemaWarriors kuGaborone, kuBotswana uko akanotamba mumutambo wekupemberera kuwana kwenyika iyi kuzvitonga kuzere.

Matawu anoti basa raakapihwa rekuve maneja wechikwata chenyika iguru saka anoda kushandisa mukana uyu kusimudzira hupenyu hwevatambi.

Matawu akatamba nhabvu yepamusoro izvo zvakamuona achitambira zvikwata zvemuno, maWarriors uye nekunyika yePoland.

Akambotambira chikwata cheMotor Action zvainwisa mvura ndokuhwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2006 uye ndokuzoenda kuPoland uko akatambira zvikwata zvinoti Podbeskidzie Bielsko-Biala nePolonia Bytom.

Panguva yaakatambira maWarriors, anoti akaona zvakawanda zvinoda kugadziriswa izvo acharwa kuzvishandura.

“Chiremerera chikuru chandakapihwa kuve maneja wechikwata chenyika chemaWarriors. Ndiri kutarisira kushanda zvakasimba uye kusangana nezvakawanda mubasa iri.

“Asi chinhu chikuru chandinoda kushanda ndakatarisira kushandura hupenyu hwevatambi venhabvu vanotambira maWarriors nekuti kubva kare kana pandaitambawo nhabvu, taive nezvinyunyuto zvataisangana nazvo tichitambira maWarriors saka hazvidi kugara zvichiitika nguva dzose.

“Hupenyu hwevatambi hunokosha naizvozvo tinofanira tagadzirisa zvose zvinodiwa kuti vatambe nhabvu yavo vachifara, vakasununguka uye vasinganyunyute.

“Basa iri rakafanana nerandagara ndiri kuita kuchikwata changu cheChicken Inn,” anodaro.
Matawu anoenderera mberi achiti: “Handingati ndine zvakawanda zvandinoda kushandura nekuti zvese zvinodiwa zviripo uye chinongodiwa chete kutevedzera zvakaiswa kuti nhabvu yedu ifambe zvakanaka.”

Matawu anoti pavakaenda kuGaborone masvondo adarika, akadzidza zvakawanda izvo zvichamubatsira mubasa rake kuenda mberi.

“Patakaenda kuGaborone masvondo adarika, ndakatoona zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuchikwata chedu,” anodaro.

Matawu anokurudzira vamwe vakambotamba nhabvu kuti vapinde mumabasa akasiyana ane chekuita nekusimudzira mutambo uyu.

Anoti dzidzo inokosha uye inobatsira kana munhu ane basa raanenge achida kuita.

Matawu akaita Bachelor of Science Honours Degree in Sports Science and Coaching kuNational University of Science and Technology (NUST).

“Ndinokurudzira vamwe vakambotamba nhabvu kuti pindai mune zvenhabvu, kune mabasa akawanda ariko ekusimudzira nhabvu yedu iyende mberi,” anodaro.

Matawu akasendeka shangu dzake dzenhabvu mugore ra2020 ndokubva apihwa basa kuChicken Inn rekufambisa nyaya dzine chekuita nevatambi vechikwata ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey