Vatambi vekarate vakadadisa kuSA

16 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Vatambi vekarate vakadadisa kuSA Chikwata cheZimbabwe chakakwikwidza kuIKO Nakamura South Africa Classic 2023 svondo radarika

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vashanu vechikwata cheTeam Zimbabwe chekarate vakahwina menduru dzakasiyana kumutambo weIKO Nakamura South Africa Classic 2023 uyo wakatambirwa kuVosroos Civic Centre, kuJohannesburg.

Vatambi ava ndiRobert Mashingaidze uyo akahwina menduru yegoridhe muboka reMen Under 75kgs, Alicia Mufundisi akahwina yesirivha muboka reGirls Under 15kgs, Damisani Magaya akahwina sirivha zvekare muMen under 60kgs, Wengai Katemanyengo akahwina bhuronzi muboka reMen under 80kgs pamwe naJustice Mutyoramwendo uyo akahwina bhuronzi zvekare muMen Open Tournament.

Achitaura ari kuSouth Africa, mutungamiri weZimbabwe Karate Union – Shihan Tawanda Mufundisi – anoti chikwata chavo chakadadisa kumutambo uyu uye chave padanho rekukwikwidza nezvimwe zvikuru zvinobva kunyika dzakasiyana.

Anoti kuhwina kwavakaita menduru shanu idzi kunofanirwa kutuma chikwata chavo kuti chirambe chichishanda nesimba kuitira kuti chigohwina mitambo mikuru inotevera.

“Tiri kufara nematambiro akaita chikwata chedu kuSouth Africa, hazvisi nyore kuhwina menduru shanu pamutambo unouya nyika dzakawanda.

“Kuhwina kwatakaita kwakafadza naizvozvo tiri kutarisira kuti ticharamba tichikura sechikwata uye senyika mumutambo wekarate. Ticharambawo tichibika vatambi vakawanda vemutambo uyu avo tinovimba vachazonokwikwidza kumitambo yakasiyana yekarate kunze kwenyika,” anodaro Shihan Mufundisi.

Apo chikwata ichi chiri kudzoka kumusha, Shihan Mufundisi anoti hachisi kuzozorora sezvo chichatanga kuita gadziriro dzekuenda kumutambo weInternational Friendship Karate Championship 2023 kuOsaka, kuJapan munaZvita.

Anoti vanoda kutumira vatambi vatanhatu kumutambo uyu kubva pane vavakatakura kuenda navo kuSouth Africa svondo radarika.

“Tave kuronga kuenda kuJapan munaZvita uko tiri kuda kutumira chikwata chevatambi vatanhatu kunokwikwidza kumutambo weInternational Friendship Karate Championship kuOsaka.

“Uyu mutambo mukuru saka tiri kukumbira kuvakotsveri kuti vatibatsire nemari tigotumira chikwata chedu kumutambo uyu,” anodaro Shihan Mufundisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey