Vatambi vewheelchair vonanga SA

05 Feb, 2015 - 16:02 0 Views
Vatambi  vewheelchair vonanga SA

Kwayedza

Abel Ndooka
CHIKWATA cheZimbabwe cheWheelchair and Handcycling chiri mukembi umo chiri kugadzirira kuenda kuSouth Africa kunokwikwidza kumujaho weAnnual Outeniqua Wheelchair Challenge uyo uchamhanyirwa kuGeorge kuSouth Africa nguva inotevera.

Zimbabwe ichatumira vatambi 11 kumujaho uyu vanoti varume vatanhatu pamwe nemadzimai mashanu.

Chikwata cheZimbabwe chichasimuka svondo rinotevera musi waKukadzi 15 uye mujaho uyu uchaitwa musi waKukadzi 21.

Vatambi vakaita saEdmund Makutya, Elford Moyo, Samson Muroyiwa, Wilson Nyakoko, Caston Muhwira naAlexandra ndivo vachamhanya kuvarume kozoti kumadzimai shangwiti dzakaita saMargret Bangajena, Madeline Madzivire, Thandiwe Ndlovu pamwe naMolleen Majonji ndivo vanotarisirwa kunosimudza mureza wenyika kumutambo uyu.

Gore radarika, vatambi vakaita saNyakoko, Alex Mukanza, Dorcas Hwatira naNdlovu vakahwina menduru yegoridhe kumutambo uyu kozoti Moyo akahwina yesirivha.

Maneja wechikwata ichi, Christopher Katore, akachirumbidza achiti chakabatana zvikuru.

Anoti chikwata chavo chiri kugadzirira zvakasimba chakatarisana nemutambo uyu.

“Parizvino chikwata chedu chiri kuita gadziriro dzacho pamwe chete kuRuwa uko kunogara vatambi vedu vazhinji.

“Chikwata chedu chagara chinogarodadisa kumutambo uyu saka isu tiri kuda chaizvo kuti gore rino chipfurire mberi nekunohwina menduru dzakawanda.

“Hatisi kuda zvakawanda asi tiri kuda kunohwina goridhe chete kumutambo uyu,” akadaro Katore.

Zvakadaro, Katore anoti chikwata chavo chiri kutsvaga rubatsiro rwemawiricheya emhando yepamusoro kuti vatambi vavo vakwanise kunokwikwidza zvine mutsindo.

Anoti mawiricheya mazhinji evatambi vavo anyanya kushandiswa mumutambo uyu nekudaro anoda kutsiviwa.

“Tiri kutsvaga rubatsiro rwemawiricheya matsva emhando yepamusoro echimanje-manje. Vatambi vedu vazhinji vanoshandisa mawiricheya ekare izvo zvinotidzosera shure kazhinji kacho.

“Asi kunyangwe hazvo zvakadaro tinogara tichihwina menduru dzakasiyana saka tizere netarenda rinodadisa muchikwata chedu,” akadaro Katore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey