Vechidiki vokurudzirwa kukoshesa utano

14 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
Vechidiki vokurudzirwa kukoshesa utano

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reGrassroots Soccer – iro rinodzidzisa zvenhabvu – riri kushanda nevechidiki kumativi ose enyika richivafundisa kukosha kwekuzvidzivirira kuti vasabatwe nezvirwere zvinosanganisira Covid-19 uye nekuvakurudzira kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri.

Calvin Ncube, uyo anove skills coach kusangano iri, anoti vari kudzidzisa vechidiki vari kumatunhu anosanganisira Bulawayo kurarama upenyu hwakanaka vachizvichengetedza kubva kuzvirwere zvakadai seCovid-19 neHIV.

Pazvirongwa zvavainazvo zviri maringe neCovid-19, anoti vane magwaro avari kushandisa (curriculum) iro rinotaura nezvenzira dzekuzvichengetedza kubva kudenda iri dzinosanganisira kugara munhu akapfeka masiki kana ari pane veruzhinji, kugeza maoko nesipo nguva dzose nekuzora sanitizer pamwe nekunobaiwa nhomba dzekudzviviria chirwere ichi.

Pamusoro pezvo, Ncube anoti vane rimwe gwaro rinotaura pamusoro peHIV neAIDS.

“Covid-19 kuuya kwayo yakakanganisa zvakawanda kusanganisira vechidiki avo vazhinji vange vave kungoswera kudzimba vakangogara.

“Kuswera vakagara uku kunokonzera kuti vamwe vapedzisira vave kufurirana kutora zvinodhaka. Pakutora zvinodhaka ipapa, vamwe vanozvipinza mumatambudziko  anosanganisira kuenda pabonde vasina kudzivirira vopedzisira vabatira zvirwere zvepabonde seHIV.

“Saka tiri kudzidzisa vechidiki kuti vazive matanho avanofanirwa kutora mukuzvichengetedza kubva kuzvirwere izvi,” anodaro Ncube.

Anoti sangano ravo rinoshanda nevatambi venhabvu vane mukurumbira avo vanowana nguva yekukurukura nevatambi vechidiki vachivadzidzisa zvakare kuti vagare vachizvichengetedza utano hwavo.

“Tinodyidzana zvakanaka nevatambi venhabvu vane mukurumbira vakaita saKudakwashe Mahachi, Marvelous Nakamba naTeenage Hadebe avo tinombokoka vachitaura nevakomana vachivadzidzisa zvekuita muupenyu kuti vabudirire.

“Munongoziva kuti vatambi ava vane mukurumbira, saka zvavanotaura zvinotererwa nevechidiki sezvo vakawanda vachishuvira chaizvo kutevera mumatsimba avo. Saka tiri kushanda navo tichiparidza shoko kune vechidiki kuti ngavagare vachitevedza matanho ose anodiwa kuti vazvichengetedze kubva kuCovid-19 uye vachinovhenekwa denda reHIV,” anodaro Ncube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey