Uncategorized

Vodyiwa vari vapenyu. . . vanongodamburwa minwe

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Vodyiwa vari vapenyu. . . vanongodamburwa minwe Sabhuku Elias Zhakata vachiratidza minwe yakadyiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUMWE sabhuku wekwaMambo Chipuriro, kuGuruve, akangoerekana asisina minwe yake miviri yeruoko rwekuruboshwe apo aiva pamusha pake. Sabhuku Makunde Zhakata, VaElias Zhakata (79), vanoti zvakaitika kwavari zvinoshamisa zvikuru uye vane hanzvadzi nemunin’ina wavo vakarasikirwawo neminwe yavo musi mumwechete wakatsakatika yavo asi mumazuva akasiyana nenzira dzisinganzwisisike.

Sabhuku ava vanoti vainge vakatungamirira mombe vachikaravheta mumunda mavo apo vakangoita chadzimira, ndokuzongoona vasisina minwe miviri yekuruoko rweruboshwe.

“Ndaiva pamberi pemombe dzakabopwa pamusha wangu apo ndakangonzwa dzungu ndokuita chadzimira. Ndakaunzwa kuita sendarumwa paruoko nechinhu chandisina kuona, munguva ingangoite mineti zvichidzika ndakazoona minwe yangu pasisina — pasara maronda. Ndakabuda ropa zvakanyanya pazvigunwe izvozvi.

“Vanhu vaivapo vakauya vakawana ndichijuja ropa zvikuru uye vatsvaga zvimedu zveminwe zvaiva zvabviswa asi takazvishaya,” vanodaro.
Vanoti kusvika nanhasi, havazive kuti minwe yavo yakaendepi.

“Sevanhu, tinofamba uye ndinongonzwa kuti minwe yangu yakatorwa ikaiswa mumudende. Ndinoudzwa kuti ndakarumwa nezvidhoma zvikaenda nayo kunavatenzi vazvo.

“Ruoko rwacho urwu rwunorwadza nekubanda zvikuru, rwuchivava kunyangwe maronda ekukwachurwa kweminwe aya akapora.”

Sabhuku Zhakata vanoti masaramusi emumusha mavo haapere, vachiti vakambosimudzirwa wodhiropu yaiva izere mbatya nevanhu vavasina kuona apo ivo vainge varere iyo yakasiya yakandwa pamusoro pavo. Vakatozonunurwa nevamwe vanhu avo vakazhamba kuchema pakati pehusiku.

“Ndakasiirwa husabhuku nababa VaLancelot Zhakata (84) apo vakaenda kumindamirefu kwaHughes, kuCentenary, uko vave kugara. Asi musha uno wava kundiremera nekuda kwezvinoitika. Fungai kuti ndava chirema, handisisina minwe nekurumwa nechinhu chandisina kuona. Zviri nani kuita tsaona wozvionera kuti zvafamba sei,” vanodaro.

Vanoti hanzvadzi yavo nemumwe munin’ina wavo anoshanda kuHarare, vose havasisina mimwe minwe yavo yekumaoko mushure mekunge yangotsakatikawo.

“Kunze kwangu, hanzvadzi yangu akangoitawo chadzimira ari mumba make yekubikira ndokupunzika asingazive zvaaiita. Akanoisa ruoko muchoto ndokutsva zvigunwe zvina kupotsa zvapera — nenguva pfupi-pfupi.

“Munin’ina wangu anogara kuHarare akachekwawo minwe mitatu yekurudyi nemuchina zvikadambuka zvisina anonzwisisa. Zvose izvi zvinoitika panguva imwe chete, zuva nemwedzi mumwe chete zvakare,” vanodaro.

Hanzvadzi yavo, Tabeth Zhakata (71) vanoti havazive zvakaitika musi wavakatsva minwe, kunze kwekuzongozvibura voga mumoto.

“Ndakangonzwa dzungu ndokuwira mumoto, minwe ikatsva kusvikira pamuri kuona apa — nenguva duku-duku. Chinoshamisa bhudhi zvavo zvakangoshaikwa mazuva mamwe chete andakatsva ini. Imwe hanzvadzi yangu pamazuva mamwe chete ndipowo paakadamburwa minwe mitatu nemuchina.

“Mukationa tiri vatatu munoshamiswa, saka nyaya yekunzi takachekereswa hairambike,” vanodaro. Vanotsinhirawo nyaya yekuti zvinonzi kune munhu anoroya mumhuri yavo uyo anonzi akaisa minwe iyi mukadende.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemunin’a waSabhuku Zhakata uyo anonzi akadamburwawo minwe yake nenzira dzisinganzwisisike.

VaLancelot Zhakata – avo vanova baba vasara mumhuri iyi – vanotsinhirawo kushaikwa kweminwe yasabhuku vachiti izvi zvinoshamisa zvikuru.

“Chokwadi Elias akangoshaya minwe yake ari pamba pake, hamheno kuti chii chakabvuta minwe iyi. Uyuwo Tabeth ndinofunga kuti itsviyo dzakamuwisira muchoto semunhu aiva oga, kuchiti uyo wekuHarare wekudamburwa minwe nemuchina, iyo itsaona yemumabasa,” vanodaro.

VaPatrick Kapfunde (54) – avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kwaMadondo, kuMt Darwin – vanoti zviri pachena kuti pane vanhu vakaromba mishonga yakaipa mumhuri yekwaZhakata.

“Mhuri iyi ngaibatsirwe nekuti izvi zvikwambo kana zvidhoma,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey