Uncategorized

Vokururwa hembe nenjuzu

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Vokururwa hembe nenjuzu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaBangure, kwaNyashanu, mudunhu reBuhera, vanoti vaoneswa chitsvuku nechavanoti chikwata chenjuzu idzo dzavanoti dzinovakurura mbatya vachisara vari musvo, kuvabvutira hove dzavanenge vabata nekuvafurufusha pavanoedza kudiridza mapindu avo nemvura yemudhamu reko.

Manenji aya anonzi ari kuitika padhamu idzva richangobva kupera kuvakwa reTarwira iro rinonzi imwe nguva rinoonekwa richinganduma kubvira moto pamusoro pemvura masikati machena.

Vagari vekuwadhi 19 kunova kune dhamu iri vakavamba chirongwa chekurima vachidiridzira, cheTarwira Irrigation Scheme, icho chinonzi chave kukanganiswa nenjuzu dziri kudzingirira varimi.

Kanzura Ngoni Musakaruka

Kanzura weWadhi 19, VaNgoni Musakaruka, vanoti nekuda kwenyaya yenjuzu iyi, vagari veko vave kugara vachityira upenyu hwavo.

“Takabatsirwa zvikuru nesangano reWorld Vision iro rakativakira dhamu iri vanhu ndokutanga chirongwa chekurima mapindu. Zvino hamhenowo chauya chauya, njuzu dzave kudya marasha. Dzinotorera vanhu hove dzavanenge vabata dzichivakurura mbatya nekudzingirira varimi kumapindu,” vanodaro.

Vanoti panoitika izvi, kunongotanga mhepo yechamupupuri inooneka vanhu vanenge vakapfeka zvichena mukati mayo avo vanotanga vachifamba asi vozobhuruka nayo. Vechikuru vanoti injuzu dzinodariso.

“Svondo rakapera chairo, vanhu vairedza mudhamu iri vakaona zvishamiso apo kwakatanga chamupupuri kumucheto wedhamu, icho chinonzi chaitinhira sendege asi mukati macho muine vanhu vaiita sevaipupurutswa nemhepo. Mhepo iyi inonzi yakavhura mvura kunge makomo maviri kumativi, asi pakati ndokuita gomba zvikaita kuti vanhu vaone pasi pedhamu. Vakatoona jecha pasi vachitiwo mvura yacho yaifashaira,” vanodaro kanzura ava.

Idaishe Zimhunga

Vanhu vairedza vanonzi vakatiza vachisiya hove dzavainge vabata apo mhepo yacho yakasvikoperera pamuti weMushumha uripo.

“Chamupupuri ichi chinonzi chaiva nemoto muhombe mukati uye chakangofamba chinhambwe chinoita mamita 200 chichitibura jecha iro rinonzi raienda mudenga zvekusvika kana kiromita,” vanodaro Kanzura Musakaruka.

Pakaitika izvi, mudhamu iri munonzi maiva nevanhu vaidarika makumi maviri avo vairedza apo vamwe vacho vakazosara vasina kupfeka, vakatadza kuziva ainge avakatanura mbatya dzavo.

“Tine vakomana vakawanda vaivapo avo vakazongoerekana vasara nezvipfeko zvemukati chete, vabviswa mbatya dzose zvavasinganzwisise. Hapana akavabata asi vakazongoona vasisina hembe.”

Musi uyu zvinonzi vanhu vainge vabata hove dzakawanda, idzo dzavakazoshaya dzose.

Kudzai Mukuze

Nzvimbo ine dhamu iri inonzi yakagara ichiyera sezvo paisimboonekwa njuzu nemachira machena, matsvuku neegreen ainge akayanikwapo.

“Vanhu vanonzi vakakururwa mbatya vakazoenda kudzimba vari musvo vanosanganisira Mai Nyaradzai Kasinganeti, Mai Talent Kasinganeti, Farirai Chikukwa, Moses Penyai naWebster Madondo uyo anova mwana wechikoro. Vakatotsvagirwa mazambia ekuvafugidza zvinhu zvashata,” vanodaro Kanzura Musakaruka.

Mbuya Feredina Majoko (80) vemubhuku raTagwira vanoti nzvimbo iyi yakagara ichiyera.

“Takakurira muno nzvimbo iyi ichingogara ichiyanikwa machira kumangwanani uye dzimwe nguva paiita mhute asi kukangobuda zuva machira aya obviswa,” vanodaro mbuya ava.

Wadzanayi Mabope

VaMorden Manjengwa (54) vemunzvimbo iyi vanoti musi wakaitika mhepo ine simba iyi, naivowo vaivapo apo vakatopona nekurara pasi uye chamupupuri ichi chakaita zvekuputika kubva mumvura.

“Chakaita zvekucheka mvura chakananga kwandaiva, ini ndokubva ndangopunzika pasi kusvikira chakapera ndakadaro. Ndikazoona ndisina hembe,” vanodaro.

Dhamu iri riri murwizi Tindingoma.

“Hapana akamira, vanhu vakatiza vachisiya zviredzo zvavo nehove. Vamwe vakaita zvirauro zvekubvutirwa nezvinhu zvavasina kuona.

“Hapana chiredzo chakawanikwa apo mhepo yakapera, zvese nehove dzacho. Kune mumwe ainge abata hove yakakurisa asi haana kuzoiona,” vanodaro.

Constance Darangwa

Kumahombekombe kwedhamu iri kunoonekwawo shiri dzerudzi rwemajesa, idzo dzinoita matendere adzo uye zvinonzi vechidiki vanoenda kunotsvaga many’ana vachiwana matendere aya achibvira moto masikati machena, asi vakazodzoka rechimangwana racho vowana matendere aya aripo, asina kutsva.

Mbuya Idaishe Chidhakwa Zimhunga (70) vemubhuku raChidhakwa vanoti vakaroorwa munzvimbo iyi masaramusi aya achingoitika.

“Takaroorwa muno tichingonzi kurwizi urwu kunoyera, iyesu takamboenda tichida kuedza tikanokururwa mbatya tikadzoka kumba tisina kupfeka totohwanda nemadenhe,” vanodaro Mbuya Zimhunga.

Maria Madhumira

Mai Maria Madhumira (35) vemumusha waTarwira, vanotiwo vakambodarika nepadhamu iri vakaona mvura yaipfachurwa zvekuita seyaibva muzipombi.

VaKudzai Mukuze (77), avo vagere mubhuku rekwaPenyai, vanotiwo mwana wavo akakururwa mbatya vachiredza naye vakazongoona ava musvo. Vanoti izvi zvakavaita kuti vatize vachisiya zvirauro nehove dzavainge vavhima.

“Hamheno, pamwe mbatya idzi dzakakururwa nemhepo asi ndakazongoona asisina kupfeka. Kana kwadzakaenda hatina kukuona,” vanodaro.

Wadzanayi Mabope (26) anova mumwe wevakashanda pakavakwa dhamu iri anoti vaigona kungoshaya midziyo yavaishandisa pakuvaka semafoshoro nemapiki.

Constance Darangwa (47) wemumusha waTakawira anoti rimwe zuva akabvutirwa sipo mumawoko apo aigeza kudhamu ndokusiya arohwa nemvura yaiva nejecha asi nyakuita izvi haana kumuona.

Kuchiti VaMoses Musengiwa (72) vemubhuku raPenyai vanoti rimwe zuva ivo nevamwe vavo vainge vagere padyo nedhamu iri apo vakazongoerekana vasisina mbatya.

Farirai Chikuwa (31) anokurudzira vagari venzvimbo iyi kuti vasiyane nekuenda kudhamu iri achiti mumwe achatorwa akaendwa naye zvachose.

Asi VaIshmael Chikuwa (58) vanoti nzvimbo iyi inoda kuitwa chivanhu kuti dambudziko iri ripere, vanhu vokwanisa kuita mabasa avo sekuredza hove nekudiridza mapindu avo murunyararo.

“Ngatitsvagei masvikiro emuno vagadzirise nzvimbo iyi tisati tarasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Dhamu iri riri mudunhu rimwe chete nerimwezve dhamu guru rekwaBangure, iro rinonziwo rinoitika masaramusi uye rafira vanhu vane chitsama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey