Uncategorized

Vopura mari nebhindauko remarara

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VANHUKADZI vane chitsama vemuHarare vari kubatsirikana kuburikidza nemabhindauko ekusona, kuruka pamwe nekugadzira mabhegi vachishandisa marara emapurasitiki ayo avanonhonga zvinova zviri kubatsira mukuderedza nyaya dzekusvibiswa kwenharaunda.

Mai Tariro Tizora (47) vekuMabvuku – avo vanoshanda saCommunity Service Officer kukanzuru yeHarare – vari kukurudzira madzimai kuti vapinde muzvirongwa zvemhando iyi senzira yekuvandudza raramo yavo.

Vanoti vanoshandisa mahoro (hall) ekanzuru apo vanoita zvirongwa zvavo.

“Tine madzimai anodarika zana ayo atinofundisa mabhindauko akasiyana kusanganisira kusona machira ekuwaridza pamibhedha, epamasofa, mayunifomu nembatya dzemhuri.

“Tinoshanda pamwe nekanzuru yeHarare inova inotibatsira mukushambadza mabasa edu uye sangano reEnvironmental Management Agency (EMA). Saka tirimo muzvirongwa zvekuchenesa nharaunda ndiko kusaka tichishandisa marara emapurasitiki mukugadzira mabhasikiti, mabhegi nezvimwe,” vanodaro.

Mai Tizora vanoti kunze kwekusona, vanofundisana mabasa ekubika makeke, masamusa, sipo, kugadzira mhete, zvuma nezvimwe vachitengesa kuti vawane mari yekuriritira mhuri dzavo. “Tinoshanda zvakare nevechidiki tichivafundisa mabasa emaoko zvinova zvinoita kuti vasazowana nguva yekuswera vachitora zvinodhaka izvo zvinokanganisa upenyu hwavo. Zvizhinji zvezvatinoita zvinowanikwa paFacebook yedu yakanzi ‘the city of harare’,” vanodaro.

Vanoti mumwe wemadzimai ari muchikwata chavo akagadzira hove

achishandisa marara emapurasitiki iyo ari kutengesa kuti akwanise kuwana mari yekunopa rubatsiro kuvanhu vakasangana nematambudziko emafashamu emvura aive nedutumupengo, eCyclone Idai, kudunhu reManicaland nguva yadarika.

Mai Tizora vanoti hove mucherechedzo weupenyu asi zvichitevera mafashamu aya, vanhu, zvirimwa nezvipfuyo kusanganisira hove dzaive munzizi nemadhamu zvakayeredzwa kureva kuti upenyu hwakaparadzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey