Zim Cricket, Qalandars vosimudzira vatambi

03 Aug, 2023 - 19:08 0 Views
Zim Cricket, Qalandars vosimudzira vatambi Givemore Makoni aina Ratif Rana

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Cricket (ZC) rakanyorerana pasi chibvumirano chekushanda pamwe chete nechikwata checricket cheLahore Qalandars chekuPakistan mukusimudzira mutambo uyu.

Pachibvumirano ichi chichaona vatambi vecricket vasere vari kusimukira vachitumirwa kuPakistan uko vachanogara kwemwedzi mina vachibikwa zvakasimba mumutambo uyu kuchiti Qalandars ichatumirawo vatambi vashanu vekuPakistan kuuya kuzotamba cricket muno.

Managing director weZC – Givemore Makoni – anoti chibvumirano chavo neQalandars chakakosha sezvo chichabatsira kusimudzira mutambo wecricket munyika ino.

“SeZC, tiri kufara chaizvo nekushanda pamwe chete kwatichaita neQalandars.

“Vatambi vari kuenda kuPakistan vachanogarako kwemwedzi mina vachidzidziswa cricket yemhando yepamusoro kuitira kuti vagokwanisa kuzotambawo mutambo uyu zvepamusoro-soro.

“Panguva imwe cheteyo Lahore Qalandars ichatumira vatambi vashanu mabowlers vanouya kuzotamba cricket muligi remuno – ava vatambi vanokanda bhora rinomhanya rinodarika 140km paawa.

“Saka tinotenda (Ratif) Rana (chamangwiza weLahore Qalandars) nekutivhurira mukana uyu wekuona kuti ZC yasimukira uye zvichatibatsira pakubika vatambi vepamusoro vecricket,” anodaro Makoni.

Vatambi vasere ava vachaenda kuLahore vakasarudzwa neLahore Qalandars iyo yaitenderera nyika yese ichiongorora vatambi vakasiyana vachitamba mutambo uyu.

Qalandars yange iri munyika ichikwikwidza mumutambo weZim AfroT10 Tournament uyo wange uchitambirwa muno masvondo adarika.

Achitaurawo pamusoro pemushandirapamwe uyu, Rana anoti chikwata chavo chine mufaro mukuru nemukana wachakapihwa neZC wekusimudzira cricket muZimbabwe.

“Chiremerera chikuru kwatiri kuti Zimbabwe Cricket yavimba nesu kuti tishande kubika vatambi vayo.

“Ndinovimba kuti tine midziyo nevarairidzi vepamusoro zvekuti zvichabatsira kusimudzira cricket yemuZimbabwe.

“Ndinotenda nemukana uyu uye kushanda pamwe chete kwatichaita kuchasvika kure,” anodaro Rana.

Vatambi vasere vakasarudzwa kuenda kuLahore uko vachange vachidzidziswa cricket kuLahore High Perfomance Centre vanoti Tinotenda Maposa, Tawanda Maposa, Tanunurwa Makoni, Marshal Takodza, Brighton Phiri, Lennox Chando, Davis Marwendo naAlex Falao.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey