‘Zim-dancehall yochepeswa neSungura’

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Zim-dancehall yochepeswa neSungura’ Obvious Mutani

Kwayedza

 

 

Obvious Mutani

Obvious Mutani

MUIMBI weSungura, Obvious ‘Ovasanjo’ Mutani, anoti akaparura dambarefu idzva rinonzi ‘Sungura yokundwa nedancehall tiripo here?’ neshungu mushure mekuona kukurumbira kwakange kwaita musambo weZim-dancehall.

Makore adarika, musambo weZim-dancehall wange uchinetsa zvikuru nevaimbi vakaita saSoul Jah Love, Seh Calaz, Killer T naKinnah.

Kunetsa kweZim-dancehall kwakaona kudzikira kwemusambo weSungura zvakanyanya zvekuti kana vaimbi vacho vange vave kutatarika kuita mashoo vakazvimirira.

Ovasanjo, uyo anotsigirwa nechikwata cheSungano Express, anoti vaimbi veSungura vanosanganisira Alick Macheso, Simon Mutambi naFirst Farai vose vakaburitsa madambarefu avo ayo ari kupisa panguva ino.

“Vapfana veZim-dancehall vakange vaenda nenyika vachizviona sekuti ndivo vave madzimambo emhanzi asi takaramba, Sungura taidzora.

“Ndakaburitsa dambarefu rangu iri rinonzi ‘Sungura yokundwa nedancehall tiripo here? nechinangwa chekurakidza nyika yose kuti Sungura haiperi ichiripo.

“Yasvika nguva yekuti tichidzorera Sungura payo chaipo payakakodzera uye vaimbi vazhinji veSungura tiri kuuya zvine moto.

“Baba Sharo (Macheso) akavapedzera paakaburitsa Tsoka dzerwendo, kana ini dambarefu rangu iri ndinozvitemba kuti rinonakidza zvikuru,” anodaro Mutani.

Dambarefu raMutani iri nderechipfumbamwe uye pari zvino ari mushishi kubika rechi10 iro anoti achaparura munguva inotevera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey