Zim wheelchair hutu kusa

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Zim wheelchair hutu kusa Michael Bulagango

Kwayedza

CHIKWATA cheZimbabwe Wheelchair and Handcycling icho chakaenda kunokwikwidza kumutambo weOuteniqua Wheelchair Challenge kuSouth Africa svondo radarika chakakurudzirwa kurwa sebvumba kuti chigokunda mumakwikwi aya pamwe nekusimudza mureza wenyika nekuchengetedza tsika dzakanaka.

Kurudziro iyi yakaitwa nemutungamiri weZimbabwe National Paralympic Committee, Michael Bulagango, muHarare pamabiko ekuonekana nevatambi vechikwata ichi.

Bulagango akati vatambi vese veZimbabwe vari kuenda kuSouth Africa kunokwikwidza vanofanirwa kuchengetedza tsika dzavo.

“Endai munokwikwidza muhwine menduru dzakawanda asi zivai kuti nyika yose ichange yakakutarisirai iri kumashure kwenyu.

“Hatidi kunzwa nyaya dzisina basa kwamunenge maenda uko, endai muchiziva kuti mabva muZimbabwe musarase tsika dzenyu. Mukufamba umu munosangana nezvakawanda asi chikuru ndechekuti yeukai kwamakabva uye kumutambo uyu muri kunomirira Zimbabwe nekusimudzira mureza wayo,” akadaro Bulagango.

Kaputeni wechikwata ichi, Edmund Makutya, akati vari kuenda kunohwina menduru chete.

Akati nguva yadarika vange vachigadzirira zvakasimba uye vanotarisira kunoita zvinorova kuSouth Africa.

“Takagadzirira zvakasimba mutambo uyu uye tinotarisira kuti gadziriro dzedu dzichashanda svondo rino, tiri kuenda kunokohwa goridhe chete,” akadaro Makutya.

Chikwata cheZimbabwe gore rino chakatakura vatambi 16 kumutambo uyu uyo uchaitwa svondo rino musi weMugovera.

Makambani akasiyana anosanganisira Zimpapers, Innscor, Tanganda, Met Bank, Duly Motors, Colgate Palmotive, Flyu Hurst, Bakers Inn neSupreme Panel Beaters akakotsvera chikwata ichi nezvinhu zvakasiyana.

Gurukota reHurumende rinomirira purovhinzi yeHarare, Cde Miriam Chikukwa, vakapawo chikwata ichi $300.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey