Zim yogadzirira kubatsira vari kudzoka kubva kuSA

04 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Zim yogadzirira kubatsira vari kudzoka kubva kuSA Ambassador Hamadziripi

Kwayedza

Leroy Dzenga

HOFISI inomirira Zimbabwe kunyika yeSouth Africa iri kuongorora vanhu vane magwaro eZimbabwe Exemption Permit (ZEP) avo vari kuronga kudzoka kumusha kuitira kuti vakwanise kufamba zviri nyore.

Pari zvino vanhu vanosvika 6 000 kubva pa178 000 vane magwaro eZEP vanogara, kushanda kana kudzidza muSouth Africa vakabudirira kunyoresa kuti vawane mumwe mukana wekugarako nemaVisa.

Gore rapera munaNdira, South Africa yakaburitsa mashoko ekuzivisa kumiswa kushanda kwemagwaro eZEP munaZvita ichiti vane magwaro aya vanyorese maVisa kuti varambe vari munyika iyi, kunyanya vane mabasa ehunyanzvi.

Kumiswa kushanda kwemagwaro eZEP kwakazopfuudzwa kumberi kusvika munaChikumi wegore rino.

Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, Ambassador David Hamadziripi, vanoti ongororo iyi ichabatsira kuti paitwe gadziriro yevanhu vachadzoka kumusha.

“Izvi zvichatibatsira kuti tizive kuti vanhu vangani vachadzoka nerubatsiro rwavachada,” vanodaro.

Ambassador Hamadziripi vanoti kana pakazivikanwa huwandu hwevari kudzoka kumusha nerubatsiro rwavanoda, hofisi yavo ichaita hurukuro nehurumende yeSouth Africa pamusoro penyaya iyi kuitira kurerutsira vanhu vakadai.

“Hatisati tataura nevenyika yeSouth Africa zviri pamutemo asi zvataita pari zvino kutaura nyaya iyi pose panoitwa misangano yenyika mbiri idzi.

“Pakasangana gurukota rezvekunze kwenyika, Ambassador Frederick Shava, nerekunze rekuSouth Africa, VaNaledi Pandor, Ambassador Shava vakati Zimbabwe yakagadzirira kugamuchira vanhu vane magwaro eZEP kana vave kudzoka kumusha. VaPandor vakapawo rutsigiro rwakakwana rwekuti South Africa yakagadzirira kubatana neZimbabwe panyaya iyi,” vanodaro Ambassador Hamadziripi.

Vanoti hofisi yavo ichashanda nevakuru vekuSouth Africa mukuona kuti vanhu vafamba zvakanaka pakudzoka kumusha.

“Hatisati tave kuziva huwandu hwacho pari zvino asi tinofungidzira kuti kupera kwaChikumi kana pakave nevanhu vakawanda vanofamba nguva imwe chete, tichaita kuti nzvimbo dzinodarika nevanhu kumiganhu yenyika dzinge dzakagadzirirwa zvakanaka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey