Zvakaipira gomarara remuchibereko

05 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Zvakaipira gomarara remuchibereko

Kwayedza

GUMIGURU mwedzi wekurangarira nezvegomarara remuzamu.
Ruzivo pamusoro pegomarara remuzamu rwakapihwa zvakanyanya muchikamu chino.
Zvakakosha kuti tipewo ruzivo pamusoro pegomarara remuchibereko nekuti ndiyo imwe yemando yegomarara iri kukonzera kufa kwemadzimai akawanda.

National AIDS Council (NAC) iri kushanda nesimba kuti gomarara rive chimwe chechikamu pakushanda nenyaya dzekuderedza kupararira kweHIV. Izvi zvinotevera zvagurudzo yakaitwa pakaonekwa kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vanobatwa negomarara kekutanga vanenge vaine hutachiona hweHIV.

MuZimbabwe, gomarara rinokonzeresa kufa kwevanhu vazhinji apo vanopfuura zviuru zvishanu vanobatwa negomarara kekutanga uye vanhu vanosvika chiuru nemazana mashanu vanofa gore rega rega nechirwere ichi.
Gomarara remuchibereko ndiro rinonyanya kukonzeresa kurwara kune chekuita negomarara uye ndufu kumadzimai muZimbabwe. Vanhukadzi vane hutachiona hwehuman papillomavirus (HPV) hunokonzeresa gomarara remuchibereko.
Kudzivirirwa zviri nyore
Gomarara remuchibereko rinobata vanhukadzi vanodarika zviuru gumi nerimwe pasi rose gore rega rega.
Gomarara iri nderimwe remhando dziri nyore kudzivirira uye vanhukadzi vanokwanisa kuongororwa nemidziyo yePap tests kana Visual Inspection with Acetic Acid and Camera (VIAC).
Kazhinji kacho, gomarara remuchibereko rinokonzereswa nehutachiona hwehuman papillomavirus (HPV). Gomarara rechibereko rinogona kudzivirirwa nenhomba yeHPV kana kurapwa nekukurumidza rikaonekwa kupfurikidza nekuongororwa.

Chakaipira gomarara remuchibereko richangotanga ndechekuti harioneki zviratidzo zvaro. Izvi ndizvo zvakakoshera kuti munhu agare achiongororwa. Munhukadzi anozotanga kuita zviratidzo kana gomarara iri rapararira kuenda kune dzimwe nhengo dzemuviri.

Kana izvi zvikaitika, zviratidzo zvinowanzoonekwa kubuda ropa zvakanyanya richibuda nekusikarudzi, kubuda ropa zvakanyanya mushure mekusangana nemunhurume kana kurwadziwa pakusangana pabonde. Kazhinji, kana zvadai gomarara rinenge rave kunetsa kurapa.
Kana rikaonekwa nekukurumidza, gomarara remuchibereko riri nyore kurapa naizvozvo zvakakosha kuziva nekunzwisisa zvakaipira kuita gomarara remuchibereko.

Zvisinei, vanhukadzi vazhinji vanomirira kusvika gomarara remuchibereko rava pachidanho chinonetsa kurapa zvinoita kuti vazhinji vafe naro.

Ongororwa HIV negomarara nekukasira! Shanyira nzvimbo yezvehutano iri pedyo newe wotsvaga kuti ungaongororwa papi. Kana wawanikwa uine chimwe chezvirwere izvi kana zvese, tora mishonga sezvinenge zvataurwa neveutano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey