Zvimbokoma zvotsva kuNamibia

25 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Zvimbokoma zvotsva kuNamibia Tinashe Mwadziwana

Kwayedza

Tinashe Mwadziwana

Tinashe Mwadziwana

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino nemusi weMugovera kuNamibia uko vatambi vetsiva vaviri vemuno vari kusimukira vanoti Tinashe ‘Chairman’ Mwadziwana naTinashe ‘No Pressure’ Mutodzi vacharwa mitambo yehushamwari nevatambi vekunyika iyi – Joseph ‘Smokey’ Hilongwa naJona Matheus.

Mwadziwana acharwa naHilongwa uyuwo

Mutodzi achizvamburana naMatheus.

Mutambo uyu uchaitirwa paEenhana Sports Complex kuOhangwena Region uye uri kurongwa neSalute Boxing Academy.

Pamutambo uyu, Abrahama Ndaendapo wekuNamibia achatatsurana naMzonke Fana wekuSouth Africa vachirwira bhande reIBF Africa Junior Lightweight Championship.

Mutambo uyu ndewe kupemberera kuwana kuzvitonga kuzere kwenyika yeNamibia iyo yakasununguka kubva kuhutongi hwevadzvanyiriri musi wa21 Kurume 1990.

Mwadziwana, uyo anokwikwidza muboka rebantamweight, ari kusimukira zvikuru zvekuti mumwedzi inotevera anogona kurwira mabhande akasiyana.

Maneja wake pamwe naMutodzi, Clyde Musonda weDeltaforce Boxing Academy, anoti zvakakosha zvikuru kuti vaviri ava vatambe mitambo yakawanda apo vari kugadzirira kurwira mabhande akasiyana.

Uyu uchange uri mutambo waMutodzi wekutanga mumakore mana sezvo akapedzisira kurwa muna 2012.

“Chairman tiri kufara nekusimuka kwaari kuita, ane tarenda rinonwisa mvura asi akambenge ave kudzokera shure nekushaiwa rutsigiro kwaakambenge achiita.

“Gore rino, tinoona achienda kure nekuti ari kuhwina mitambo yake uye tinovimba kuti akahwina kuNamibia svondo rino anenge ave pedyo nekurwira mabhande akasiyana.

“Mutodzi anga ave nengura nekuti akapedzisira kukwikwidza mugore ra2012 pese apa asingakwikwidze saka tiri kumubika zvakasimba kuti adzoke mumutambo uyu. Vakotsveri vetsiva hatina muno ndosaka vatambi ava vachipedza nguva vasina kukwikwidza uye vanosvika pakuita ngura chaiyo. Vamwe vacho vanopedzisira vave kutora zvinodhaka asi isu tiri kurwa zvakasimba kuti tibatsire vatambi vese vasimukire mutsiva,” anodaro Musonda.

Mwadziwana gore radarika akarova mumwe mutambi wekuMalawi akafenda munhandare apo vaikwikwidza izvo zvakashoresa mutambi uyu negurukota rezvemitambo rekuMalawi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey