ZVIRI MUGAPU: Imboravira nyama yembudzi

21 Sep, 2023 - 17:09 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Imboravira nyama yembudzi Nyama yembudzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAMA yembudzi ikabikwa nemazvo mudya ndakasungwa chaiwo. Nyama iyi inotipa mapuroteni anobatsira mukudziiswa kwemuviri uye kudzivirira zvirwere.

Svondo rino Tendai Hove wekuChegutu anodonongodza mamwe makangirwo enyama yembudzi.

Zvinodiwa:

Nyama yembudzi, chikari, mafuta, munyu, hanyanisi, madomasi nemuriwo wemashizha.

Mabikiro:

Tora hadyana yakachena uise pamoto.

Isa nyama yembudzi yakachekwa zvakanaka.

Kanda munyu wakaringana wosiya zvikwate.

Kana yaibva, isa mafuta ukange itsvukire.

Chekerera hanyanisi wokanda uye woramba uchikanga.

Chekerera madomasi matatu wokanda zvekare.

Kana nyama yako yaibva inosara iine muto wakatsvukirira uye wakakorera.

Kanga muriwo wemashizha uise parutivi.

Chibura udye nehama neshamwari.

Nyama yembudzi inodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde, jena kana nemupunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti + 263 773 394 753 kana +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey