KUDYA NEUTANO: Imbodya mutakura wenyimo

12 Dec, 2023 - 15:12 0 Views
KUDYA NEUTANO: Imbodya mutakura wenyimo Mutakura wenyimo

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

Mutakura wenyimo kudya kwakanaka uye kune utano sezvo tichiwana macarbohdrates, mapuroteni nestarch mauri izvo zvinoita kuti muviri uwane simba uye ushande zvakanaka.

VaTanatswa Nzira vekwaMutoko vanotsanangura mamwe mabikirwo emutakura uyu.

Zvinodiwa:

Nyimo dzakaomeswa, mvura yakachena, chikari, munyu nechibage chishoma

Mabikiro:

Tora makomichi maviri enyimo

Dzigeze uise muchikari

Isa mvura wodzifashaidza

Kanda munyu wakaringana

Isa chibage chishoma

Fashaidza kusvika zvapera mvura

Kana chibage nenyimo zvaibva, zvinoonekwa nekupfava

Tora mugoti umone

Wozodii?

Chibura udye nemhuri.

Mutakura wenyimo unogona kudyiwa wakadaro, kunwisa svutugadzike kuti zvinyatsodzika kana zvimwe zvinwiwa, isarudzo yako.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey