KUDYA NEUTANO: Derere rine zvakawanda mariri

19 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
KUDYA NEUTANO: Derere rine zvakawanda mariri Sadza nederere

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

Kune mhando dzakawanda dzederere. Kune derere renyenje, nama, nyaguru, chipudzi, bupwe, uye kune dzimwe nzvimbo vanodya derere refeso.

Derere rechipodzi kudya kune utano uye tinowana magnesium, folate, fiber, anti-oxidants neVitamin C, K1 neA kubva mariri.

Rinokurudzirwa zvekare kudyiwa nemadzimai ane pamuviri sezvo richibatsira pakusimudzira utano hwemwoyo neropa.

Mai Sophia Bhareto vekuShamva vanotitsanangurira mamwe mabikirwo ederere iri.

Zvinodiwa:

Chikari, hundi kana kuti mutyora kana soda, munyu, mugoti nemvura yakachena

Mabikiro:

Gadza chikari pamoto woisa makomichi maviri emvura wokanda mutyora kana soda yekuita kutswinyira.

Geza derere rako worichekerera.

Kanda muhadyana wosiya zvimbokwata.

Ramba uchikurungira kusvika raibva.

Kanda munyu wakaringana.

Kana richinge raibva, derere rinoonekwa nekukora uye rakabatana.

Vamwe vanoisa madomasi, isarudzo yako.

Wozodii?

Kana zvadai chibure udye nemhuri.

Derere rinodyiwa nesadza rezviyo, remhunga kana remapfunde asi vamwe vanosarudza kurinwa rakadaro mushure mekudya chimwe chikafu.

Rakakoshera zvekare kurerutsa mudumbu kana zviye muchifufutira.

Derere rinogona kudyiwa riri nyoro kana kuti ramboomeswa kuita mufushwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>