KUDYA NEUTANO: Zvakanakira nhopi ine dovi

02 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
KUDYA NEUTANO: Zvakanakira nhopi ine dovi Nhopi yemanhanga

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

Nhopi yemanhanga kudya kunovaka muviri uye kuchigutsa. Inonaka zvikuru uye inotipa mapuroteni nemacarbohydrates izvo zvinoita kuti tiwane simba nekuita kuti muviri ukwanise kurwisa zvirwere.

Khesani Bhaloyi wekuChiredzi anotitsanangurira mamwe mabikirwo enhopi ine dovi.

Zvinodiwa:

Chikari kana kuti poto, nhanga rimwe chete, upfu, dovi, mvura yakachena, shuga nemugoti kana musika.

Mabikiro:

Geza nhanga rako woritsetsa rukanda rwese.

Cheka nhanga kuita zvidimbu zvidiki.

Rigeze uchibvisa mhodzi dzese.

Isa zvawacheka muchikari, woisa mvura yakaringana.

Isa pachoto zvikwate kudakara zvaibva.

Kanda twushuga tushoma-shoma woisa upfu hushoma zvekare uchimona.

Isa dovi womona zvakasimba kudakara zvanyatsosangana.

Vhara kwemaminitsi mashanu kuti nhopi ishinyire.

Wozodii?

Kana zvaibva seizvi, chibura udye nemhuri, hama neshamwari.

Mhodzi dzemamhanga dzinogona kuomeswa dzokangwa nemunyu zvichipa utano zvekare.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti: +263 773394753 kana kutumira paemail inoti: [email protected] 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey