‘Tambai bhora vakomana’

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Tambai bhora vakomana’

Kwayedza

Abel Ndooka —
NZIRA dzose svondo rino dziri kunanga kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare uko chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chichasangana neLiberia mumutambo wacho wekurwira tikiti rekuenda ku2019 African Cup of Nations iyo ichatambirwa kuCameroon.

Kutanga kwegore rino, maWarriors akaenda kuGabon kuAfcon uko asina kutamba zvinogutsa sezvo akawana chibodzwa chimwe chete kubva mumitambo mitatu yaakatamba.

Matambiro akaita chikwata ichi akagumbura vatsigiri venhabvu vakawanda izvo zvakazoona Kalisto Pasuwa achisiiswa basa semurairidzi wemaWarriors.

Zvichakadai, maziso ese achange ari panaNorman Mapeza uyo akafanogadzwa kuti abate chigaro chinopisa ichi.

Chikwata chemaWarriors chesvondo rino chine vatambi vakaita saPetros Mhari, George Chigova, Ovidy Karuru, Eric Chipeta, Thabani Kamusoko naPrince Dube.

Chishuviro chevatsigiri venhabvu kuti chikwata ichi chirwe semvumba sezvakaitwa nechegore ra2004 na2006 icho chakaenda kumutambo uyu kakatevedzana.

Munhoroondo yemaWarriors, akatanga kubudirira kuenda kuAfcon muna ra2004 kuTunisia apo airairidzwa naSunday Chidzambwa uye akazodzokera kumutambo uyu zvakare mugore ra2006 apo Charles Muhlauri aive murairidzi.

Murwendo rwekurwira kuenda kuAfcon 2019, maWarriors akaiswa muboka reGroup G rine zvikwata zvinoti Democratic Republic of Congo, Congo neLiberia.

Kaputeni wemaWarriors achangobva kugadzwa – Knowledge Musona – anoti svondo rino vatsigiri venhabvu vanofanirwa kuuya nehuwandu hwavo kuzotsigira chikwata chavo.

“Kuti tihwine tinoda vatsigiri vedu vese vari kumashure kwedu saka ngavauye nehuhwandu hwavo,” anodaro.

Musona mumwe wevatambi vanotarisirwa kuti vagotamba zvinonwisa mvura nekunwisa sezvo mwaka wadarika akatamba nhabvu yaidadisa kuBelgium.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey