$20 miriyoni ichavakisa zvikoro 17

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE svondo rino yakanyorerana chibvumirano nesangano repasi rose reOpec Fund for International Development (OFID) chemari inosvika $20 miriyoni yekuvakisa zvikoro 17 kumaruwa pamwe nekutenga zvimwe zvekushandisa mudzidzo.

Mari iyi ichishandiswa pakuvaka zvikoro 12 zvepuraimairi nezvishanu zvesekondari mumapurovhinzi manomwe enyika.

Homwe iyi ichashandiswa zvakare pakutenga midziyo yemuzvikoro yakaita sematafura nezvigaro zvevadzidzi pamwe nekuvakiswawo dzimba dzevarairidzi.

Gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Cde Patrick Chinamasa, naOFID director-general, VaSuleiman J Al-Herbish, vakanyorerana chibvumirano ichi panguva yaiitwa musangano wepagore weInternational Monetary Fund neWorld Bank kuLima, kunyika yePeru.

“Hurumende yeZimbabwe inotenda zvikuru sangano reOPEC Fund for International Development nekuda kwerubatsiro urwu uye inotarisira kudyidzana kwakanyanya,” vakadaro Cde Chinamasa.

Chikwereti che$20 miriyoni ichi chichatanga kubhadharwa kwapera makore mashanu uye chichabhadharwa kwemakore 15.

Hurumende yeZimbabwe ichaisawo mari inosvika $2 miriyoni pamusoro pe$20 miriyoni iyi sechitaridzo chekuzvipira kwayo kuti chirongwa ichi chibudirire.

OFID isangano rakavambwa mugore ra1976 nenyika dzinotengesa mafuta dziri pasi peboka reOrganisation of the Petroleum Exporting Countries (OPEC). – The Herald Business.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey