Uncategorized

2019: Gokwe ine nyaya

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
2019: Gokwe ine nyaya Violet Muchero

Kwayedza

GORE ra2019 rasvika kumagumo uye zvakawanda zvakaitika mugore iri — zvinofadza, zvinoshamisa nezvinosuwisa.

Asi Gokwe inoitika nyaya dzinoshamisa, dzinoita kuti vanhu vasare miromo yavo yakaoma kuti papata uye vasina chekutaura.

Kwayedza inokupai dzimwe dzenyaya muchidimbu dzakaita mukurumbira.

NDIRA:

‘Tinodiridza maruva nemukaka’

Kasikana kanobva kuGokwe ako kanoshanda basa remumba kuDomboramwari, Epworth, kari kuti kaona nhamo nekudiridziswa maruva evaridzi vemba nemukaka apo mafurawuzi aya anenge achibaka moto.

Mwana uyu – uyo afunga zvekutiza basa nekuda kwezvaari kuitiswa – anoti iye anodiridziswa maruva emumba neepanze katatu mahusiku.

Mumwewo mushandi wepamba apa – kakomana kadiki – ndiko ane chijanha chekudiridziswa maruva mamwe chete aya munguva dzemasikati.

* * *

KUKADZI:

Muti uri kutaura . . . wakatemwa ukamuka: Mayor

Kurukisheni rwekuRutendo, mudhorobha reRedcliff, kudunhu reMidlands, svondo rapera kwakaitika manenji ehunde yemuti uyo wakadonhedzwa nemhepo yaiva nedutu ukatanga kutaura uchirambidza vagari veko kuti vasauteme huni, pashure ukazomuka woga ndokumira pakare. Zvinonzi kune vanhu vakaita nharo vakatema huni pazimuti remuunze kana kuti mukaya iri, asi vakazoita bararamhanya apo zihunde remuti rakatanga kumuka roga rikamira pakare.

Mayor weRedcliff, VaClyton Masiyatsva, vanotsinhira vachiti mashura aya akaitika nemusi weChitatu svondo rapera.

“Patakanzwa kuti kune muti uri kutaura uye wasimuka ukamira woga mushure mekunge watemwa mapazi awo nevaida huni, handina kuzvibvuma kudzimara ndazoendawo panzvimbo iyi ndokusangana vevamwe vagari vemuno vanoti ndivo vevamwe vakatema huni pamuti uyu.

“Kutura kudai muti uyu wakatomira kuti twii uye unotoratidza kuti wakatemwa zvekuti rangova zihunde,” vanodaro VaMasiyatsva.

****

Otumidza nyoka zita remwana

Mwana anonzi Tanaka ofa zvisinganzwisisike, amai vake vobva vatumidza nyoka yavo zita rekuti Tanaka. Nyaya inoshamisa iyi iri kunetsa kwaMambo Chireya, kuGokwe, uko kune mudzimai ane mwanakomana wake akangofa zvisinganzwisisike, zita remwana uyu kwava kuritumidza pazinyoka rakawanikwa riri mumba make.

Manenji aya achangobva kuputika mubhuku raBurure, kuChidoma, uko amai ava — pamberi pechaunga chevanhu — vakashevedzera zita rekuti Tanaka, ndokubva mukweshwa wezinyoka wabuda muimba yavo yekurara uchienda kwavari.

* * *

KURUME:

Baba vopfimba mwanasikana . . . ‘Wakabatana mwanangu’

Murume anova mutevedzeri wasabhuku kwaMambo Negomo, kuChiweshe, haasi kana kumbonyara kudura kuti akakundwa nemiyedzo zvekusvika pakukanda shoko rerudo kumwanasikana wake uyo akaroorwa achimuti “wakabatana” uye “unondiminurira”.

Nemashoko anobva mukanwa mavo, baba ava vanoti vanoyemura mwanasikana wavo uyu ndokusaka vachimuudza kuti akanaka — uye akabatana zvekubatana zviya.

Kuti zvaanoda zvibudirire, John Muroiwa (49) — uyo anova mutevedzeri waSabhuku Muroiwa — akasvika pakutengera mubvana wake girosari remupunga nebhinzi rekumutsvetsva kudzimara abatikidzwa neveruzhinji vemumusha uyu.

John akazobatwa naWashington Guzha naTrust Muchenje (34) achinopa mwanasikana wake girosari renyengo.

* * *

KUBVUMBI:

Tsoko hodhi mu‘office’

Tsoko yotokanyaira ichinoti bherengende kupinda mu‘‘office” munoshandira munhukadzi. Imomo, inosvikoti pweshe kugara patebhuru, yovhura maziziso ayo yakamudzvokora.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mukadzi uyu anomomoterwa nenyuchi ari mubasa, rimwe zuva ndokuingwa nezibuwebuwe (spider) rinonzi rainge rakakura kunge mbeva.

Aya ndiwo mamwe emanenji kana kuti “mahwani” ari kusangana nemukadzi wechidiki anogara mumusha weMbare apo anenge ari kubasa kwake kuAvondale, muHarare.

Agini Mutefu (46) anoti zviri kuitika kwaari zviri kukonzerwa nemweya wengozi yaambuya vake — “avo vakafa ndokuvigwa nemabhanditi”.

Vanofa 21 March

Vanhu vemhuri imwe chete kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, vanonzi vanofa musi mumwe chete, mwedzi mumwe chete — 21 Kurume (March) — mumakore akasiyana, vamwe vacho vachibatwa nedenda rekurasika njere munguva yakangofanana.

Mhuri yaVaLancelot Zhakata (84), avo vanogara mubhuku raMakunde Zhakata riri pedyo nechikoro cheNyamhondoro ndivo vari kusangana nemashura aya.

Vanhu vana — vana vatatu naamai vavo — vafa zuva rimwe chete (21), mwedzi mumwe chete (Kurume) asi mumakore akasiyana.

Akapedzisira kufa musi wa21 Kurume gore rino ndiEmily Zhakata anga ari mumwe wemadzimai aVaLancelot Zhakata avo vanga vaine chipari chemadzimai matatu.

Mumakore 20 adarika, mumhuri iyi mafa vanhu vanodarika 31 — zvichireva kuti munofa chipo chevanhu vaviri pagore.

Muzongondi iNo. 1

Felistas “Figo” Muzongondi (33) — uyo akaita mukurumbira wekunwisa zvibodzwa 41 gore rakapera munhabvu yevasikana achitambira chikwata cheBlack Rhinos Queens – anoti kutamba kwake nhabvu ruremekedzo rukuru rwaanopa kuvabereki vake.

Vabereki vemutambi uyu vakashaika.

Munhoroondo yomuno, Figo akapotsa nezvibodzwa zvishanu bedzi kuti asvike pa46 izvo zvakanwiswa naMoses “Bambo” Chunga mugore ra1986.

Pose paanonwisa, Muzongondi anotambanudza maoko ake akatarira kumakore achitambirira.

Anoti izvi anozviitira kuremekedza vabereki vake avo vaanoti vanenge vachimuona vari kumatenga.

* * *

CHIVABVU:

Ndunge: List revakaromba . . . pamwe uripo

Vanhu vane mukurumbira mune zvakasiyana vemuZimbabwe nevekunze – maporofita, n’anga, vaimbi, vane mabhizimisi, vatambi venhabvu, vanoita zvematongerwo enyika nevanochinja mari (money changers) – vamwe vevanonzi vakanoromba ndokupihwa zvavaida kun’anga Sekuru Charles Makhuyana Ndunge vekuChipinge.

Sekuru Ndunge vakashaya nguva pfupi yadarika vari pamusha pavo kuSouth Downs, ikoko kuChipinge, mushure mekurwara nedenda reshuga uye vanga vaine mukurumbira wekushandira vanhu vakasiyana – kusanganisira vanoda kuromba.

Mwanakomana waSekuru Ndunge, Jabulani Ndunge (44), anoti mhuri yavo ine gwaro (list) rine mazita evanhu vose vakanoshandirwa nababa vake.

* * *

CHIKUMI:

Akavigwa nembwa mhenyu

Munyaya inovhundutsa nekushamisa zvikuru, imwe mhuri yekuTsholotsho yakaita zvinogara zvakadaro nguva pfupi yadarika apo vakaviga hama yavo pamwechete nembwa mhenyu — muguva rimwechete — apo vamwe vemhuri iyi vainge vasina kunyatsopfeka uye vakapakata mapfumo vachiteketera kuti mufi amuke.

Mhuri yekwaNdlovu, iyo inogara munharaunda yeMlotheni, kwaMambo Gampu, iri kunzi yakaviga Mbongeni Ndlovu muguva rimwe chetero nembwa yavo mhenyu.

Mambo Gampu, VaAshel Sithole, vari kutsinhira nyaya iyi vachiti vakatogadza munhu wose aive parufu urwu dare, kusanganisira masabhuku, nekuda kwechipini chavakaita ichi.

Mambo ava vanoti vakaripisa vose vemunharaunda yavo vaive parufu urwu ma$50 pamhuri, $100 kumasabhuku mumwe nemumwe wavo aivepo uye mombe mbiri kumhuri yekufirwa yekwaNdlovu.

CHIKUNGURU:

Muporofita akarohwa pamasowe

Pane kunonzi kurohwa, kuzvambaradzwa, kudashurwa, kukinditswa, kukwapaidzwa kana kuzvamburwa.

Ndizvo zvakaitwa muporofita weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uyo akanoroverwa pamasowe nemurume wemunhu – vamwe vanamati vachitoona nekukuzirira. Hanzi ainge aita zvinorova kumudzimai wemuridzi. Vamwe vari kuti akarohwa aporofita “dondo”.

* * *

NYAMAVHUVHU:

‘Tinodyisa varume tsvina yedu’

“Tinodyisa varume chikafu chatinosanganisa netsvina yedu – nyoro kana yakaomeswa. Ndiyo ‘spice’ yacho.”

Varume vasingade kudarikwa nemarokwe kana vaye vanoita barika kana vanodya ku”small house” hokoyo!

Kune vakadzi vanoti vanodyisa varume tsvina yavo nechinangwa chekuti vapihwe “mazirudo” kana kuti vagovapa mari yakawanda nezvimwe zvavanoda.

Mumwe wevakadzi vanodyisa varume tsvina yavo ari kurondedzera zvinoitwa kuti murume amude, kuti amupe mari kana kuti apote orara kumba kwake.

Mukadzi ari pavhidhiyo ratiinaro haabude pachena kuti akaroorwa, ndinyachide pabarika here, i‘‘small house” here kana kuti anoita zvekutengesa muviri.

 

Akaitira chitunha weti mukanwa

Mudzimai wekuGokwe ane makore 70 okuberekwa akashamisa vanhu vaive parufu ikoko apo akaitira weti mukanwa mechitunha chemuvakidzani wake — uyo akangodonha ndokufa — achiti aizviitira kuti amuke.

Muvakidzani uyu ainge angodonha ndokubva afa pakarepo apo akange anangwa huroyi nemudzimai wekuzomuitira “wiwi” mukanwa uyu apo vainge vari parufu rwemumwe mwana achimuti ndiye akange amuuraya.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Nembudziya apo Maidei Mamombe — uyo anogara mubhuku raMandawa —akatongwa nemhosva yekuitira weti mukanwa mechitunha chaTaizivei Mugigo.

Mambo Nembudziya vanotsinhira nyaya iyi vachiti vakashamisika zvikuru nezvakaitwa nemudzimai uyu pazere vanhu.

* * *

GUNYANA:

Businessman ovata naamai

Mambo Chireya vekuGokwe vachangobva kutonga nekuripisa mwanakomana naamai vake vekumubereka mombe tsere mushure mekuvabata nemhosva yekuti vari kushinha vose semhiko yekuti mabhizimisi avo abudirire.

Makunakuna aya aitika kwechipo chemakore maviri uye mwanakomana uyu ane mudzimai nevana 4.

Amai vake ishirikadzi mushure mekunge murume wavo — baba vemuchinda uyu mbune, avo vaivawo nemabhizimisi — vafa makore maviri adarika.

Muzvinabhizimisi Tadiwa Rushungo (37), uyo ane musha mubhuku raChiyanga, ikoko kuGokwe, akashamisa vagari veko apo akapupura padare ramambo kuti anoshinha naamai vake vekumutumbura senzira yekuti mabhizimisi abudirire.

Tadiwa akasiya vanhu vainge vaungana pavaitongwa vasina neremuromo apo akati kwenguva inokwana makore maviri, anoshereketa mumachira naamai vake, Getrude Mashamba, izvo zvaanoti zvinongozivikanwa nevaviri ava bedzi.

 

Handichada nhabvu: Mhofu

Aimbova murairidzi wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Sunday “Mhofu” Chidzambwa, anoti ambosendeka zvemutambo uyu sezvo zvamukandisa mapfumo pasi uye ave kuita zvekurima.

Mhofu ndiye aive murairidzi wemaWarriors apo vakaenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) akaitirwa kuEgypt nguva yadarika uko chikwata ichi chakanonyadzisa zvichitevera makakatanwa aivepo pakati pevatambi nehutungamiri hweZimbabwe Football Association (Zifa) izvo zvakaona vatambi vachipotsa vatadza kutamba mitambo yavo sezvo vaiti vanoda kubhadharwa mari dzavo dzavakange vavimbiswa.

MaWarriors akangokwanisa kubva kumitambo iyi aine chibodzwa chimwe chete apo akaita mangange 1-1 neUganda ndokukundwa mimwe mitambo miviri, 1-0 neEgypt kozoti 4-0 neDemocratic Republic of Congo.

* * *

GUMIGURU:

Handirambe varume . . . izvozvi ndine 15

Mukadzi wechidiki anogara muHarare, anoti zvinomuremera kuramba shoko rerudo, izvo zvamuita kuti adanane nevarume 15 panguva imwe chete — vakaroora nevasina — uye haasi kumira, sezvo vamwe vangasvika 20 vachiri padanho rekumupfimba.

Haana tarisiro yekurasisa avo vachiri kumukanda mashoko erudo ava, kureva kuti anokwanisa kunge ava nezvikomba 35 chero paada.

Violet Muchero (21) — uyo anobva kwaMambo Nyakuchena, kuMudzi, asi ava kugara kuCharlotte Brooke, kuBorrowdale, akafirwa nababa asi amai vake vapenyu.

Anoti rake rinotova shavi rekuda varume, izvo zvakamuita kuti atize murume ainge akamuroora, achisiyako mwana ava nemakore matatu okuberekwa.

“Varume vandiri kudanana navo izvezvi? Ndinofunga kuti vanodarika 15, regai nditotarisa mufoni nekuti handivazive vose nemusoro,” Violet anoudza Kwayedza pasina kana kunyara.

* * *

MBUDZI:

Mwana onzwira amai shuga

Mudzimai anogara mumusha weNketa 9, kuBulawayo, anoti mwanakomana wake wekubereka ari kumunetsa achimukumbira kuti vadanane, voita bonde vose “nekuti mhamha muri yellow bone” kana kuti tsvarakadenga.

Sikhangezile Mlotshwa anoti haanzwisise zviri kuitwa nemwana wake abva zera, Samuel Mlotshwa (21), uyo anogara achimuyemura uye achidaidza amai ava kuti “amai makanaka amai, muri yellow bone”.

* * *

ZVITA:

Anogara neshato muhotera

“Shato yangu ndinogara nayo muroom mangu pahotera. Ndiyo inondikechera zvikomba nekundiita kuti ndihwinhe mutambo wenjuga.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemukadzi wechidiki anonzi Queen Mpofu (21).

Guta reMutare rakazengezana nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekunge mapurisa eko asunga mukadzi anobva kwaRusape uyu – asi anoita zvechipfambi – mushure mekuwanikwa achigara nemukweshwa weshato yakareba mamita matanhatu paimwe hotera yeko.

Vagari vemuguta iri vakaita chipata-pata kunoona Mpofu apo akange oita kuimba achiti zinyoka rake anoribhukira kugara naro “muroom” yepaNomara Lodge nekuti ndiro rinoshanda nemishonga inoita kuti akeche varume nekumuita kuti ahwinhe njuga.

Musi uyu yakaita jambanja pahotera chaiyo.

‘30 years ndiri pfambi’

Mudzimai anoita basa rekutengesa muviri wake kuChiredzi anoti ava nemakore 30 “achirova ndima” asi ava kudemba chakamuita kuti aite chipfambi sezvo muroora wake ava kugara achiudza mwanakomana wake kuti, “Amai vako ihure”.

Zvisinei, amai ava vanoti chipfambi chavo ndicho chakavawanisa mari yavakapinzisa vanakomana vavo vaviri chikoro — kusanganisira murume waiye muroora ava kushandisa basa ravamwene vake sechitukiso uyu.

Juliet Mada (46) — uyo anozivikanwa mubasa rake kuChiredzi saTete Mada — anoti ave nemakore 30 “achifadza customer”

 

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey