Uncategorized

600 voitwa vakadzi nenyoka

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
600 voitwa vakadzi nenyoka Mumwe wemaporofita akabata nyoka inonzi inoshinha nevanhukadzi

Kwayedza

Danisa Masuku

VANHUKADZI vanosvika 600 vekuShale, kudunhu reMzingwane, vari kupupura kuti pane nyoka inopota ichivananzva kusikarudzi dzavo isati yazovaita vakadzi.

Manenji aya ari kuitika kuWard 8, kuShale, mubhuku raDindindi Gante, kwaMambo Mathe.

Vakadzi ava vakaudza mamwe maporofita kuti kwenguva yakareba, vaishinhwa navo nenyoka yemashiripiti iyi.

Nekuda kwedambudziko ravakatarisana naro, vakadzi ava vakasvika pakubhadhara maporofita echikwata chinodaidzwa nekuti Izithunywa zenkosi mari inosvika $1 800 nechinangwa chekuti vavachenure.

Muhurukuro dzakasiyana, madzimai aya anotsanangura kuti nyoka iyi yagara ichishereketa navo sei.

Vanoti vanonzwa kungoneta-neta kana huri husiku apo vanenge varere, mushure mekanguva ndipo pavanozonzwa vonanzwa nekushinhwa navo.

Vamwe vanoti vanoona mufananidzo wenyoka, vozotanga kuvaviwa kusikarudzi dzavo.

Nobuhle Moyo anoti akambomuka asina chipfeko chake chemukati.

“Ndaimuka ndichinzwa kuneta sekunge ndainge ndasangana nemurume. Pekutanga, ndakafunga kuti ndarota murume wangu uyo ari kuSouth Africa. Asi zvakaramba zvichiitika uye zvakazoitika zvakare papera masvondo maviri, ndizvo zvakazoita kuti nditsvage muporofita uyo akazotaura kuti pane nyoka inoshereketa neni. Ndakamuti abvise nyoka iyi asi akazvitadza,” anodaro Moyo.

Anita Chiimba anotiwo anonzwa kunanzvwa nechinhu chinenge nyoka.

“Kana ndirere ndinonzwa chinhu chinenge nyoka chichifamba pamusoro pangu, pashure pezvo chinotanga kundinanzva sikarudzi. Panguva imwe chete iyoyo ndinozonzwa chimwe chichindibata mazamu angu. Zvinondinetsa zvakanyanya nekuti murume wangu akafa makore manomwe apfuura,” anodaro.

Rita Simali anoti nguva zhinji anomuka asisina chipfeko chemukati.

“Ndinomuka ndoona ndisisina chipfeko changu chemukati ndichinzwa kuneta. Izvi zvaitika kwemavhiki mana apfuura. Ndakarara ndinonzwa zvakare chinhu chinoyamwa mazamu angu, izvi zvinoitika chero ndakarara nemurume wangu. Tapedza mari yakawanda tichida kubatsirwa nevechivanhu kuti zvinhu izvi zvibve asi zviri kuramba,” anodaro Simali.

Anoti nekuda kwekushinhiwa naye nezvaasingaone uku, haachagutswa nemurume wake.

“Kare ndaimbogutswa nemurume wangu asi kubva nyoka iyi yakatanga kushinha neni, handichaguti. Ndatova nedambudziko nekuti pari zvino murume wangu ava kuchema-chema.

“Pamusoro pazvo, ndinomuka ndakaguswa vhudzi,” anodaro.

Sadunhu Duvert Ndlovu vanotsinhira nyaya iyi vachiti madzimai anosvika 600 anopupura kuti ari kushinhwa nawo nenyoka iyo inodaidzwa kuti Bornwell.

Nyoka iyi vanoti yakazouraiwa ikachererwa pasi

Vanoti mudunhu mavo mune misha inosvika 695 uye misha yese iyi yakabvisa $3 pamusha mumwe nemumwe kuti nyoka iyi ibatwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey