Dambudziko rechirwere chenzeve

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Dambudziko rechirwere chenzeve

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIRWERE chenzeve chinowanzotambudza vanhu munguva yekutonhora nekuti chando chinoita kuti0 machubhu emunzeve azvimbe kana kuvhara. Ongororo yakaitwa nesangano rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, iyo yakaburitswa mubhuku rinonzi “Your Health Your Life”, inotaridza kuti vane matambudziko echirwere chenzeve vanofanira kutsvaga rubatsiro kuzvipatara nemakiriniki nekukasika. Kutonhora kunonzi kunoita kuti mukati menzeve muite hunyoro hunobatsira kuti mabakitiriya awande.
Kuburikidza nekuzvimba kunoita nzeve, marwadzo anowanikwa achinyuka. Chirwere chenzeve chinowanzotambudza vana.

Zviratidzo zvechirwere chenzeve:

  • Kana munhu achinge abatwa nechirwere chenzeve anonzwa marwadzo munzeve achiita dzungu.
  • Dzimwe dzenguva munhu anonzwa mawungira kana kuti ruzha rwusipo.
  • Murwere anotemwa nemusoro achipindwa nechando.
  • Dzimwe nzeve dzinotosvika pakuvhara kana kutadza kunzwa zvakanaka.
  • Kubuda hurwa kana tsvina yakanyanya ichiyerera kunze kwenzeve.
  • Vana vacheche vanogona kungochema vachikwenya nzeve.

Marapirwo enzeve:

  • Murwere anogona kushandisa kajira kanodziya kutova nechekunze kwenzeve senzira yekubvisa chando chinenge chapinda mukati.
  • Murwere anofanira kuwana nguva yakakwana yekuzorora kuitira kuti utachiona humboserera.
  • Murwere anofanira kunwa mvura yakawanda.
  • Murwere anogona kutora mapiritsi ekunyaradza marwadzo.

Zvakakosha kuti murwere aregedze kuisa zvimwe zvinhu zvakaita semafuta kana sauti munzeve kana mimwewo mishonga yechivanhu sezvo zvichigona kubatsira mukubereka kwemabhakitiriya izvo zvinogona kuita kuti atadze kunzwa zvachose.
Kana hurwa huchibuda, zvakakosha kuisa donje rakachena kana kajira asi uchienda kwachiremba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>