Dzimba kurukisheni dzave ma’lodge’, US3 paawa

22 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Dzimba kurukisheni dzave ma’lodge’, US3 paawa Dzimba dziri kuitwa malodge

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

DZIMWE dzimba dzemumusha weMbare, muHarare – idzo dziri mumugwagwa Simon Mazorodze – dzava kushandiswa semalodge uko vamwe vanoita mabasa ehunzenza vari kubhadhariswa mari inobvira paUS$3 paawa rimwe chete.

Munyori uno asvika nepane dzimwe dzedzimba idzi (idzo tine nhamba dzadzo) achiita seari kutsvagawo imba yekusasanira kuvakomana vanenge vakatogarira pagedhi vachidaidzira kuvanhu vavanenge vaona achipfuura kuti pane dzimba dzekuti vasasanire.

“Huyai, huyai munoda maawa mangani? Pindai henyu nemota mugedhe tinoichengetedza. Pano tinoita US$3 paawa rimwe chete, makasununguka kupinda kuti muone mibhedha yacho yakanaka zvikuru,” anodaro mumwe wevakomana ari pagedhi.

Zvisinei, mumwe wake paaona kamera yemutori wemifananidzo, abva ati: “Pari zvino dzimba dzedu dzakatozara nevanhu.”

Izvi zvazoita kuti munyori uno akundikane kupinda mukati kuti anoona chimiro chedzimba idzi.

Padzimba zhinji dziri muraini iri, pange pakamomoterwa nevakomana vemazera echidiki vachingodaidzira kuti US$3 paawa.

Pasi pemutemo, bhizimisi rekuita lodge rinofanirwa kunyoreswa uye munhu opihwa magwaro anoratidza kuti ane mvumo yekuita basa iri.

Kwayedza yazoita hurukuro nevamwe vagari vemuMbare maringe nezviri kuitika munharaunda yavo avo vari kugunun’una zvakanyanya vachiti panofanirwa kutorwa matanho ekupedza dambudziko iri.

“Tinotenda zvikuru kuti mauya veKwayedza nekuti izvi zviri kuitika padyo nemba yangu uye ndine vana vasikana, ko kana vakatorwa nevanhu vanenge vauya vasina makasitoma zvinofamba sei? Vana vedu havazobatwi chibharo here nekuti hatingaiti upenyu hwakadai.

“Mapurisa anotopfuura nepano, pamwe havasi kuzivawo kuti zvii zviri kuitika ipapa. Dai kanzuru nevemutemo vapindira,” vanodaro Mai Viola Sikiti avo varamba kutorwa mufananidzo.

VaThomas Mugari, vanove mugari wenzvimbo iyi zvekare, vanoti mapurisa ngaatange nekusunga varidzi vedzimba idzi.

“Varidzi vedzimba idzi ngavasungwe zvavo nekuti ndinovimba vane dhiri rimwe chete nevanhu ava. Vakatoona zvakachipa kuita dzimba idzi malodge pane kurendesa nekuti apa munhu anongorara maawa aanoda obva asiya abhadhara. Zvekumirira mari yemuroja kupera kwemwedzi vakaona zvichirema.

“Zvakaipa nekuti vari kuita izvi zvisiri pamutemo uye munharaunda kureva kuti vava kutotsigira nyaya dzekutengeswa kwemuviri izvo zvinokanganisa zvikuru vechidiki,” vanodaro.

Inspector Chakanza

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti vachaita ongororo pamusoro penyaya iyi.

“Kana kuine vanhu vari kuita dzimba malodge regai titange taita ongororo, tiri kutuma mapurisa edu eZimbabwe Republic Police kuti vanoona kuti chii chaicho chiri kuitika panzvimbo iyi,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanley Gama, vanoti mabasa akadai ari kuitwa zvisiri pamutemo uye haakodzeri munharaunda.

VaStanely Gama

“Hatitenderi vanhu kuti vashandure dzimba vachidziita malodge nekuti imhosva iyoyo. Tine matanho atiri kutora kuti tirwise dambudziko iri, zvinoshoresa nekukanganisa vanhu munharaunda dzavanogara,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links