Baba vapondera mwana wavo chitanda chehuni

23 Apr, 2024 - 14:04 0 Views
Baba vapondera mwana wavo chitanda chehuni Huni

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaSabhuku Maribha, kwaMambo Mataruse, kuMberengwa, anonzi akarova mwanakomana wake nezvibhakera zvekumuita kafiramberi mushure mekunge aisa huni muchoto nechisimba iyo aive asingade kuti iiswe muchoto.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa6 Kubvumbi nenguva dza12 masikati apo Pardon Gumbo (37) anonzi akapondwa nababa vake Sherpard Nhamo (62) avo vaigara vose pamba.

“Zvinonzi vaviri ava vaiva vose pamba musi uyu kwaSabhuku Maribha, kwaMambo Mataruse, kuMberengwa, apo Gumbo akatora danda rehuni achida kuriisa mumoto. Baba vacho, Sherpard Nhamo, havana kufadzwa nazvo vakabva vataurira mwanakomana wavo kuti danda iri raiva ravo uye vaisada kuti riiswe muchoto.

“Pardon Gumbo akaenderera mberi nekuisa danda iri mumoto izvo zvisina kufadza baba vacho vakabva vabata mwana wavo pahuro, ndokumutunga nemusoro ndokuenderera mberi nekumurova nezvibhakera muviri wose,” vanodaro Insp Mahoko.

Trymore Gumbo (29) wepamba apa akazopindira pakurandutsira vaviri ava.

“Nemusi wa7 Kubvumbi, Pardon Gumbo akazobva pamba achienda kuchipatara cheZvishavane District Hospital kuti anorapwa marwadzo ekurohwa kwaainge aitwa uku akasvikonzi agare muchipatara achirapwa. Nemusi wa10 Kubvumbi, hurwere hwaGumbo hwakawedzera achibva angofira muchipatara umu,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa, Nhamo ndokusungwa.

“Mhosva yaari kupomerwa yekuponda mwana wake ichiferefetwa. Tinokurudzira vanhu kuti kana paine zvanetsa varege kurwisana asi kuti vatsvage vayananisi,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links