Haasi kukwanisa kumedza chikafu zvachose

07 Dec, 2023 - 12:12 0 Views
Haasi kukwanisa kumedza chikafu zvachose Gamuchirai Mukomachirendo achiratidza chubhu aina amai vake Mai Georgina Mhingo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GAMUCHIRAI Mukomachirendo (20) ari kushungurudzika zvakanyanya nekuda kwechirwere chakangonyuka maari chekukundikana kudzika kwechikafu chichienda muura hwake (achalasia condition).

Izvi zvakaita kuti vanachiremba vekuKaranda Mission Hospital vamuise chubhu iyo inofambisa chikafu.

Asi chubhu iyi yakazodambuka nekufamba kwenguva nokudaro anoda kubatsirwawo neUS$100 yebhazi yekuti aperekedzwe kunorapwa kuKaranda Mission Hospital uye nekubhadhara zvimwe zviri kudiwa.

Mukomachirendo anoti chaari kuda pari zvino utano hwakanaka.

“Ndaive munhu aizviitira zvese kubvira pakugeza, kuwacha nekubika asi zvino nekurwara uku, hapana chandichagona uye zvinondirwadza nekuti watova mutoro mukuru kuna amai. Dai ndangorapwa ndikapora nditange upenyu hwangu hutsva ndidyewo nemuromo ndichimedza chikafu chichigara mudumbu. Handina kana zvimwe zvirwere zvandinazvo kunze kwekukundikana kumedza chikafu.

“Zvamuri kuona kudai, ndatova nani nekuti ndaive ndakaita mabhonzo chaiwo ndisingakwanisi kana kumuka pandinenge ndirere ndichizviitira chimbuzi panzvimbo yandiri. Veduwe zvinorwadza apa unenge urere muimba nemurume uchizvirasira mvura kudaro asi usingazvinzwe,” anodaro.

Vangada kubatsira mudzimai wechidiki uyu vamunobata panhare dzinoti: +263 782 044 071 idzo dziri paEcoCash nepaInbucks.

Amai vake, Mai Georgina Mhingo (47), vanoti chishuwo chavo ndechekuti kudai vawana vane tsiye nyoro vanovabatsira nemari yekuti mwana wavo akwanise kunorapwa.

“Mwana wangu akaiswa chubhu gore rino mushure mekunge aita dambudziko rekukundikana kumedza chikafu uye chaisadzika kuenda kuura sezvo aibva angorutsa pekarepo. Dambudziko iri rakatanga mumwedzi waZvita 2020 zvekuti akatanga kuondoroka kusara ava mabhonzo. Pakutanga takafunga kuti raive gomarara asi akavhenekwa akanzi haana.

“Mumwedzi waKurume gore rino ndipo paakazoiswa chuchu padumbu inova yatinoisa jekiseni rinozodzikisa chikafu,” vanodaro Mai Mhingo.

Vanoti chikafu chavanomupa nepadumbu ipapo ndechiya chakareruka chakadai sebota, mbatatisi dzakakanyiwa, mukaka nemvura.

Vanoti rimwe dambudziko guru ravakatarisana naro nderekuti mwanasikana wavo pamwe nemurume wake vose havashande zvinoita kuti zvinhu zvinyanye kuvaomera.

“Mwana wangu akakura aine utano hwake hwakanaka zvekuti hatichaziva kuti zviri kubva kupi. Aive nezwi rake rakanaka asi iko zvino utano hwake hwaderera zvikuru zvekusvika pakurema 35 kgs pachinzvimbo chekuti ange ari kuma55 kgs. Aifanira kudzokera kunovhenekwa zvekare kuKaranda Mission Hospital mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino asi takakundikana kuwana US$80 yekufambisa neUS$20 yekudhindirwa kadhi pamwe nezvimwe zvinodiwa mukurapwa kwake. Kutaura kuno, chubhu yake yakatodambuka zvekuti tava kungojoinidza kuti akwanise kuwana chikafu asi pamwe inozara mhepo otorara nenzara nekuti chikafu chinobva chatadza kudzika,” vanodaro.

Mai Mhingo vanoti mwanasikana nwavo nemumukanwa make haachakwanisi kumedza chikafu nekuti anobva angorutsa pekare sezvo pasina mukana wekuti chizodzika kuenda kuura.

“Machiremba akati mwana wangu ane dambudziko rinonzi ‘achalasia’ kureva kuti chikafu hachikwanisi kudzika kuenda kumatumbu mushure mekuchimedza. Kuzvipatara zviri mudhuze vanongoti dzokerai kuKaranda kwaakaiswa chubhu anobatsirwa ikoko nekuti havazivi pakagumira chiremba wekutanga mukurapa. Saka ndinochema kuruzhinji rweZimbabwe kuti mundibatsirewo nemari yekufambisa mwana wangu anorapwa, ndakatoparadzanawo nababa vake zvichitevera hurwere uye vehukama vazhinji havasi kubatsira,” vanodaro.

Mukomachirendo akabara mwana mukomana uyo ave nemwedzi misere yekuberekwa atova nedambudziko iri zvikaita kuti akundikane kumuyamwisa.

“Paakasununguka, machiremba aifanira kumuvhiya asi nekuona kukomba kwehurwere hwake, vakati tikamuvhiya haazomuki saka vakaramba vachimuisa madhiripi vachibatsiridza kuti asununguke zvakanaka achibva abara mwana wake uyo akatumidza zita rekuti Miracle nekuti ainge asingatarisiri upenyu panguva yakaoma kudai. Mwana uyu haana kukwanisa kumuyamwisa zvachose nekuti iye amai vacho aitodawo kupihwa chikafu nepadumbu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links