Vanasikana vekuKariba vobatsirwa

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Vanasikana vekuKariba vobatsirwa Mudzimai achiratidza masanitary pads avanosonera vanasikana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANASIKANA vanodzidza munharaunda yeKariba vari kubatsirikana pakuti vaende kuchikoro vakatsvinda nekuwaniswa zvekushandisa panguva yekutevera (sanitary pads) kuburikidza nemabhindauko ari kuitwa nesangano rakazvimirira reTony Waite Organisation.

Mai Ellen Vhengere, vanova executive director wesangano iri, vanoti mabhindauko ekusonwa kwezvinoshandiswa nevanasikana panguva yavo yekutevera paakange asati avako, vazhinji vavo kumaruwa vairovha kuchikoro nepamusaka pekunyara kunosekwa apo vanonyangadza mayunifomu avo.

Mai Ellen Vhengere

“Machira ari kushandiswa kusonesa masanitary pads aya akachena uye ane jira rakapfava zvekuti haakonzere gomarara rechibereko kana tichitarisa mamwe anoshandiswa achiraswa anenge akaiswa mishonga. Midziyo yatinosonera vanasikana pano inorerutsira homwe dzevabereki nekuti vanokwanisa kuawacha vachizoashandisa zvakare kwemakore anodarika maviri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Masanitary pads aya tinoatengesa nemari iri pasi, $0,50c rimwe chete nokudaro pamwedzi anogona kushandisa matanhatu kureva kuti anoda $3 chete. Akagadzirwa nenzira yekuti ane bhatani rinobata chipfeko chemukati kureva kuti vanokwanisa kumhanya kana kuita mimwe mitambo pasina kutya kuti anodonha kana kubva panzvimbo uye haana mishonga sezvo achingogadzirwa nemicheka yakapfava.”

Mai Vhengere vanoti mari dzavanowana mukutengesa masanitary pads aya vanodzishandisa kubatsira nherera, chirikadzi nevanhu vanorarama neutachiona hweHIV.

Sangano reTony Waite Foundation riri kubatsira zvakare nherera kuburikidza nekudziwanisa mabhezari ekuti dzienderere mberi nedzidzo.

“Tine nherera dzakawanda dzakasiiwa nevabereki nekuda kweutachiona hweHIV. Vazhinji vacho vakanga vasisaendi kuchikoro asi kuburikidza nerutsigiro rwedu, vave kudzokera kuchikoro. Tinobatsira zvakare muzvirongwa zveHurumende kuti zvinge zvichifambiswa zvakanaka senyaya dzeutano, kubaiswa kwevana majekiseni ekudzivirira zvirwere, kuvhenekwa kwegomarara nekutsigira vechidiki,” vanodaro.

Sangano reTony Waite Foundation rakanyoreswa zviri pamutemo mugore ra2011 zvisinei nekuti rakavambwa muna1993 riri muzita remushakabvu Tony Waite uyo akafa nekuda kweutachiona hweHIV muna 1991.

Waite aishanda kuZambezi River Authority nokudaro paakafa, upfumi hwake hwakapihwa kusangano iri kuti hunge huchibatsira vanorarama neutachiona hweHIV nenherera sezvo iye akanga asina mhuri.

Vamwe vatsigiri muchirongwa ichi vanosanganisira USAID iyo iri kubatsira mumabhindauko ekubata matemba nekuatengesa pamwe nesangano reNational AIDS Council iro rinobatsira zvakare mukurwiswa kweHIV pamwe nekurapwa kwayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey