Uncategorized

Inyaya iri kutaurwa: Amai vemunhu

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

AMAI vemwana anonzi akafa achirutsa nyoka kupurazi riri kuNorton vakaramba kuti ndiwo mafiro akaita mukomana uyu vachiti akarwara nemalaria ndokutemwa nemusoro zvakanyanya dakara ashaika.
Zvisinei, mudzimai uyu, Mai Stella Yolo, vakatanga nekunyepera vatori venhau kuti vaiva amaiguru vemufi – Bhaureni Saurosi – vachizviti Abigail Yolo (39).

Vakati zvakare amai vemuchakabvu vaiva kuHopley, vachiti ivo vaibva kuChitungwiza uye vakanga vatobvakacha kupurazi reUshewokunze kuti vanonzwa nezvenyaya yekuti mwana uyu anonzi akafa achirutsa nyoka.

Vakanyepa zvakare vachiti murume wavo – Collin Saurosi – akanga akabvakacha pavakasvikirwa, uyo akazongoerekana asvika pamba apa vatori venhau vachiripo.

Vakazobuda pachena mushure mekuramba vachibvunzurudzwa ndokuzodura kuti ndivo amai chaivo vemufi wekunzi airutsa nyoka.

“Nyaya yenyoka iri kutaurwa nevanhu vose muno, asi chokwadi handicho. Mufundisi wekuchechi kwangu akauya akamunamatira, akazonofira kuchipatara cheNorton. Zvekurutsa nyoka hamheno,” vakadaro.

Mutumbi wemwana uyu zvakare unonzi wakamera matatoo apo waigezeswa, zvinova zvavakaramba zvakare.
“Murume wangu akazoshevedzwa nemurungu achibvunzwa nyaya yekuti mwana akanga afa achirutsa nyoka uye baba vakambondivanzira kuti vakanga vabvunzwa nyaya iyi nemurungu wavo,” vakadaro amai ava.

VaSaurosi vakabvuma kuti vakashevedzwa vachibvunzwa nyaya iyi.
Mhuri iyi yakaramba kuratidza vatori venhau makadhi ekuchipatara emuchakabvu uyewo nekuti vanoona kwakaviga mutumbi wake.

Kumba kwaigara muchakabvu uyu kuNorton kunonzi kuri kupotserwa matombo usiku nekuvhurwa magonhi nevanhu vasingaonekwe zvisinei nekuti mashoko aya akarambwa zvakare naSusan Yolo, uyo aigara nemufi kuDzivarasekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>