Uncategorized

KANA WODA KUROORA… ‘Tambira Murehwa, Mutare’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
KANA WODA KUROORA… ‘Tambira Murehwa, Mutare’ Colleta Chando

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KUBVIRA kare, zvagara zviriko kuti kana mukomana ave kuda kutora musikana wake kuti vagare semurume nemudzimai, mukomana anofanirwa kutanga abvisa pfuma yeroora.

Pakuroora pane hudonongodzwa hwezvinhu – ingava mari, mombe, mbudzi, mbatya nezvimwe – zvinofanirwa kubviswa kuti mukuwasha anzi aroora.

Mazuva ano zvave kubvisiswa mukuwasha zvawanda kunge mavhu nemarara.

Asi kuroora imwe yetsika dzinganzi dzagarisa dzichitevedzwa muZimbabwe.

Kuroora kuri nepakasiyana – vamwe vanotumira pfuma, vamwe vanoponda hugariri kwatezvara, vamwe vanoita musenga bere kuchiti vamwe vanotizisa.

Dzimwe nzira dzekuroora hadzichanyanya kutevedzwa sezvo dzichityora kodzero dzevanhukadzi. Semusenga bere, musikana kana mukadzi anongodzabvurwa, obipitirwa akaiswa pabendekete nemurume anenge amuda, otoenda naye kunomuita mudzimai – pasina kuwirirana.

Asi nzimwe nzira dzekuroora dzichiriko nanhasi uye kazhinji panonyorwa gwaro kana kuti “list” namadzitezvara iro rinofanopihwa kumukuwasha kuti kana azonoroora anenge akagadzirira.

Gwaro iri rinenge riine zvinhu zvinosanganisira zvinotevera, pakati pezvimwe; ndiro, dare, makandinzwanani, matekenyandebvu, kunhonga, kupinda mumusha, bakuro, mbariro, mombe dzerusambo, zvichienderana nenzvimbo.

Pane zvimwe zvakawanda zvinobviswa paroora zvichienderana nekuti madzitezvara ndevekupi.

Mazuva ano unonzwa kuti tezvara anoda motokari, cellphone (iPhone), tablet kana kutengerwa imba.

Kare, mukomana aikwanisa kuroora nebadza rekusakurisa mumunda chairo achitopihwa mukadzi wake.

Vamwe vakapihwa vakadzi mhandara nekugona kuridza ngoma, mbira kana kuridza tyava (chiwepu) padhibhi.

Vamwewo varume vakaponda hugariri kwatezvara ndokuwana vakadzi, zvotopera. Atoroora.

Zvekuda makutukutu epfuma seroora zvaisavako sezvave kuitika zvino.

Chaingokosheswa kusorana hukama.

Asi nhasi uno masamba asiyana, sezvo vamwe vanatezvara vave kuda makutukutu epfuma – mari nezvimwe zviwanikwa – seroora.

Vamwewo ndivo vari kuti vanoda roora remari yekunze semaUS$ zvisinei nekuti mari iyi haichatenderwa pasi pemutemo kushandiswa kutenga kana kutengesa muZimbabwe.

Svondo rino Kwayedza inoita ongororo pamusoro penyaya yeroora riri kubvisiswa vakuwasha nemadzitezvara mazuva ano apo vanhu vanopa maonero avo.

Maonero aya handi eKwayedza, asi kuti evaverengi.

Bishop Cuthberth Nyaruvenda veSangano Dzvene Revapositori vanoti pane musiyano mukuru pakati peroora ranhasi nerekare.

“Roora rekare rakanga rakanaka nekuti taiziva kuti mwana aroorwa uye aenda kumurume achanogara zvakanaka. Rainge risina makaro sezvoitwa zvino.

“Kare, mukuwasha aigona kuenda kwatezvara kunotema ugariri achishanda pamusha patezvara pasina muripo, ozopihwa mudzimai wako apedza basa rako. Zvino iko zvino tava kunzwa kuti kudunhu sereMasvingo hakuroorwe munhu uchipedza nekuti madzitezvara eko anobva ada kutopedza nhamo dzavo dzose,” vanodaro.

Bishop Nyaruvenda vanoti vamwe vanatezvara kana mukuwasha akakundikana kuvapa mazimari avanoda, vanogona kumunyima mudzimai wake uye pamwe pacho vanotoronda mukuwasha kuti aunze mari yavo yeroora sezvinonzi chikwereti pasina kutuma munyai.

“Kare, chero munhu aine mari shoma seyemakandinzwanani chaiyo, aitonogara nemudzimai achibereka vana nekuti chikuru chaitariswa rudo nekugarisana. Mukuwasha muonde haaperi kudyiwa saka handione sekuti kupondana papfuma ndiko kuzvigona. Ndiko kusaka dzimwe nguva mudzimai achisvika pakuzofa asina kupera kubvisirwa pfuma nekuti maUS$ acho mukuwasha anenge achinetseka kuawana uye mhuri inenge ichida kudya,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naProphet Tafirenyika Gatsi vechechi imwe chete iyi vachiti mazuva ano vabereki vave kukoshesa pfuma kudarika raramo yevana paroora.

“Roora rekare raive rakanaka nekuti raiitwa zvine gwara pasina hudyire. Pamwe kupindana kwemarudzi ndiko kusaka mava kuona vana vave kungotorana pachena nekuti mukuwasha anenge achiona kuti zvinhu zvingazomuremera.

“Chinoitika ndechekuti vana vakaziva kuti vabereki vanokara mari, vanongoronga vari vaviri voita zvekutizisana. Vanotozadza imba (nevana) pasina roora rabviswa,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanatezvara vari kubhadharisa vakuwasha mbatatisi, zvinwiwa zvinodhura nedzimwe mari dzinokahadzisa sechikamu cheroora zvinoita kuti mukuwasha asvike pakupererwa.

Kumamwewo matunhu, madzitete ose nevakoma nevanin’ina vemusikana anenge achiroorwa vanonhonga mari dzakawandisa – mumwe nemumwe wavo – izvo zvaisavako kare.

Rumbidzai Madzizha (40) anoti roora inzira yekusunganidza ukama, kwete kurishandisa senzira yekupfuma nayo.

“Kana ukaroodza mwana nemari yakawanda, unogona kumutsa matambudziko kuvana nekuti vachanotarisirawo kuti ange achinoitawo zvikukutu zvinofambirana nemari yabviswa. Saka mwana anogona kupedzisira adzoswa nekuti vabereki munenge maratidza makaro musina chinangwa nekusimudzira wanano yevaviri ava uye zvinoshoresa kwaanoenda nekuti anenge ongonzi akabva kuvanhu vanokara mari,” anodaro.

Colleta Chando (24) wekuDzivarasekwa, muHarare anoti haatodi zvekuroodzwa nemaUS$.

“Sisi vangu vakaroorwa nemaUS$ zvekuti mukuwasha akapinda pama1 akapotsa atiza nekuti ainge auya nemaBond Notes apa akatodzokera aine zvikwereti. Mukomana wangu kana akatonzwa kuti vabereki vangu vanochaja nemaUS$ haangauye kuzoroora nekuti haatoawana nekunetsa kuri kuita zvinhu uku. Kana mukuwasha achinge atouya mazuva ano, motomubata sezai nekuti vashoma vari kufunga zvekubvisa pfuma,” anodaro.

Paongororo yakaitwa neKwayedza, nzvimbo dzakaita sekuMhondoro, Murehwa neMutare ndidzo dzinonzi roora reko rakaderera.

Zvinonzi vamwe ndivo vanoti kana mukomana nemusikana vose vari vekuMasvingo, vabereki havabhadharise pfuma yakawandisa asi kana mukomana achibva kune rimwe dunhu, ndipo pavanoda mazakwatira emari.

Kwayedza yakakwanisa kutumirwa mamwe magwaro kana kuti “list” eroora.

Tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>