Vemitambo rongekai: Coventry

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Vemitambo rongekai: Coventry Dr Coventry

Kwayedza

Abel Ndooka

GURUKOTA revechidiki, mitambo nekutandara, Kirsty Coventry, vanoti hutungamiri hwemitambo yese hunofanirwa kurongeka uye kugadzira magwaro anoratidza hurongwa hwavo hwemakore gumi anotevera.

Gurukota iri rakataura mashoko aya pamusangano warakaita nevatori venhau dzezvemitambo vanoshanda vari pasi peZimpapers nemusi weChishanu chadarika muguta reHarare.

Musangano uyu wakapindwa zvakare nasachigaro webhodhi reZimpapers, Dr Tommy Sithole, nachamangwiza wekambani iyi VaPikirayi Deketeke.

“Basa randiri kuita kugadzira nzira yemakore 10 anotevera iyo ichabatsira kuti mitambo yedu muno igosimukira zvekuti rimwe gurukota richazonditsiva mune ramangwana rinosvika basa rakagadzirwa kare, ropfuurira mberi.

“Tiri ipapo zvekare, kumitambo yese muno tiri kuvakurudzira kuti ngavagadzire magwaro avo ayo anoratidza kuti mumakore 10 anotevera vachange vachifambisa sei basa ravo,” vanodaro.

Dr Coventry vanoenderera mberi vachiti, “Isu tinoda kuona kuti muchafambisa sei basa renyu uye vechidiki muri kuvasimudzira sei nekuti ndivo vatinofanirwa kugadzirira remangwana ravo.”

Vanoti munyika muno mune hutungamiri hwemitambo yakasiyana inosvika 60 uye 12 chete kusvika pari zvino ndiyo isati yave kutevedzera bumbiro remitemo rezvemitambo.

“Kutanga gore rinotevera, vemitambo ipi neipi vachauya vachitsvaga mari kwandiri vasarirwa nemazuva mashoma kuti vaende kumakwikwi akasiyana, havana kana sendi randinovapa, kuratidza kusarongeka ikoko.

Vamwe vanozotanga kumhanya-mhanya kumapepanhau kunotaura kuti ndiri kuvanyima mari.

“Muno munyika mune mitambo inosvika 60 uye 12 chete kutaura kuno ndiyo isiri kutevedza gwaro ratakavapa nekudaro ivavo hatina mari yatinovapa kusvika vagadzirisa zvatinoda.

Sangano reSports and Recreation Commission (SRC) riripo kuvabatsira kuti magwaro avo arongeke,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>