Uncategorized

Tinokunda bedzi: Mutsvangwa

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Tinokunda bedzi: Mutsvangwa Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Conrad Mupesa
GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vari kurumbidza mapoka akasiyana ari kubatsira Hurumende kurwisa kupararira kweCovid-19.

Vachitaura kuMashonaland West Provincial Covid-19 Task force nguva yadarika, Sen Mutsvangwa vanoti Zimbabwe iri munzira yekukunda hondo yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Regai ndirumbidze matanho ari kutorwa nemapoka akasiyana akazvimirira mukurwisa kupararira kweCovid-19. Matanho aya anorumbidzwa zvikuru nekuda kwekuti nyaya yekurwisa Covid-19 haisi yeHurumende yoga, asi kuti ndeyemunhu wose,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti nharaunda dzakasiyana dzinofanirwa kutevedzera zvirongwa zviripo zvakananga kumisa kupararira kwechirwere ichi zvinosanganisira kupfeka mamasiki, kuzora sanitizer maoko nekusaita chitsokotsoko.

Imwe kambani yekuMashonaland West, Odzi Foods Industries (OFI), pari zvino iri kuita chirongwa chekushambadza mashoko ekupa chenjedzo maringe nechirwere ichi kuMakonde.

Vanhu 10 000 vekuMakonde vakadzidziswa pasi pechirongwa ichi uye chinotarisirwa kuenderera mberi kusvika munaGumiguru.

Chirongwa ichi, icho chinonzi Makonde Coronavirus Response Community Engagement (MA-CCE), chakadzidzisa zvakare vanhu 68 avo vachatungamira munharaunda dzakasiyana mudunhu iri.

OFI iri kushanda ichitsigirwa nenyika yeGermany apo nyanzvi dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana dziri kupa mazano muchirongwa ichi.

Muhurukuro, chamangwiza weOFI, VaDavid Jazire vanoti chirongwa ichi chine chinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19 kuMakonde uko kambani iyi inotsigira kurimwa kwenzungu.

“Chirongwa ichi chinangwa chacho chikuru ndechekuti pave negadziriro izere yekudzivirira kupararira kweCovid-19 kubva kumunhu kuenda kune mumwe mudunhu reMakonde,” vanodaro.

“Tinovimba zvakare kuti chirongwa ichi chichadzikisa nyaya dzekutapurirana hutachiona hwecoronavirus kuburikidza nekudzidzisa kuti hunotapuriranwa sei.”

Mamwe mapoka nemakambani ari kubatsira muchirongwa chekumisa kupararira kweCovid-19 kuMashonaland West anosanganisira Great Dyke Investments neZimplats.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>