Vechidiki vakanganisika

22 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Vechidiki vakanganisika

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars — Rodwell Dhlakama — anoti remangwana revatambi vazhinji venhabvu, kunyanya vechidiki, rakanganisika zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chiri kukonzera kuti mutambo uyu usatambwe zvinosvika kure.

Kubva pakatanga kunyuka Covid-19, nhabvu yePremier Soccer League (PSL) yakapedza gore rose isina kumbotambwa ndokuzodzoka gore rino apo pakarongwa mitambo yeChibuku Super Cup iyo yange yave kutambwa asi ndokuzomiswa zvakare nekuda kwekunyuka patsva kwedenda iri.

Izvi zvakatuma Hurumende, kuburikidza neSports and Recreation Commission (SRC), kuti imise mitambo iyi.

Dhlakama anoti kusimukira kwenhabvu yemuZimbabwe kuri kukanganisika zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Vatambi vedu vechidiki ndivo vachatimirira mangwana saka tinofanira kuvachengetedza nekuti tikavaregerera vanokanganisika zvikuru. Manje nekuda kweCovid-19 vatambi vechidiki havasi kumbocheukwa, havasi kubikwa tarenda ravo izvo vanofanirwa kunge vachiitwa.

“Taifanira kunge tiri kushanda navo tichigadzirira remangwana redu mumutambo uyu asi manje handizvo zviri kuitika,” anodaro Dhlakama.

Anoti kumiswa kwakaitwa nhabvu kuri kukanganisa kunyangwe vatambi vezvikwata zvakasiyana, kusanganisira vake, avo vanoraramiswa nemutambo uyu.

Dhlakama anoti nhabvu haifanirwe kunzi yotambwa yomiswa zvekare sezvo zvichikanganisa mutinhimira (rhythm) wekuumbwa kwemutambi.

“Kana nhabvu yave kutambwa inofanirwa kutambwa kusvika yapera, manje zvikanzi yombotanga yomiswa zvinokanganisa vatambi nekuvadzorera shure.

“Asi chikuru kutevedzera mitemo iripo yekuchengetedza hupenyu hweveruzhinji,” anodaro Dhlakama.
Pakamiswa mitambo yeChibuku Super Cup, Ngezi Platinum Stars yange yatamba mitambo mitatu ndokuihwina yose ichikunda zvikwata zvinoti FC Platinum, Triangle United neWhawha muboka rayo rekuMidlands Group.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>