Uncategorized

NDIKO KUTI GOKWE! . . . Havadye sauti yemuchitoro. . . . Musadherere aChihera

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
NDIKO KUTI GOKWE!  . . . Havadye sauti yemuchitoro. . . . Musadherere aChihera Mambo Chireya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HUSHE kana kuti humambo hwevanhu verudzi rwekwaChireya hunowanikwa kudunhu reGokwe North, kuMidlands, hune zviga zvinoshamisa zvinosanganisira kuti madzimambo haadye chikafu chine munyu unotengwa muzvitoro, asi kuti vanodya sauti inobuda yoga mumatombo ari pamusoro pegomo rinoyera riri kudunhu iri.

Humambo uhu hunonzi hwakatanga makore ekuma1 800 vachena vachangopinda munyika muno vachibva kunze.

VaHenry Chidzivo (48), avo vanova Mambo Chireya vechigumi neshanu (15), dzinza ravo vachiyera mutupo weShava apo madzimai avo vachinzi vanaChihera, vanoti nzvimbo yehushe hwavo kare yaibvira kumuganhu weBinga vachinobatana neZhombe, vozonoganhurana neSanyati neHurungwe.
“Ini ndiri mwana waChidzivo, ndiri mambo wechi15 kubva pakugadzwa kwehumambo hwedu. Hushe hwangu ndiho hwaibata Gokwe yose kubva kuBinga kunosvika kuZhombe tichinosanganawo neSanyati nemhiri iyo yeGandavaroyi tava kutarisa Hurungwe. Kudivi rekuenda kuBulawayo, tainobatana neMatabelaland (North).

“Nhoroondo inoti takabva kwaNyashanu, kuBuhera ndokumbonogara kuGova iri kuKariba uko takazobva tava kuuya kuno muGokwe — takangotakura huze yehushe hwedu,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi: “Pekutanga tinonzi rudzi rwedu rwakabva kunyika yeTanzania kuGuruuswa tichizopinda muno kuenda kuBuhera, tiri maShangwe. Ini samambo handibvumidzwe kudarika rwizi rwaSanyati ndakapfeka huze kana kuti nyembe dzangu.

“Ndikasvika parwizi apa, ndinobvisa huze ndoisa muhomwe kana ndadarika ndozoipfeka. Idzi imhiko dzatakapihwa kare.”

Zvisinei, Mambo Chireya havana kukwanisa kupa tsananguro izere kuti sei vasingabvumidzwe kudarika rwizi rwaSanyati vakapfeka huze yavo yehushe.

Madzimambo ekwaChireya haadye chikafu chakaiswa munyu unotengwa muzvitoro, asi kuti vanodya sauti inobuda yoga mumatombo pamusoro pegomo ravo rinoyera reMatatara unova muko werudzi rwavo.

“Tine gomo redu rinoyera rinobuda sauti yatinodya isu semadzimambo kunyangwe zvedu tichipawo kune vamwe. Nzvimbo inobva sauti iyi panonzi pamasvingo ematatara apo panoendeswa mambo mutsva kuti anosimbiswa nekugara kwemazuva achibikwa nemhondoro kana kuti nemasvikiro. Nzvimbo iyi haiendwe wakapfeka mbatya nhema uyewo hakusvikwe nesipo.

“Isu sevaShangwe, madzitateguru edu aigara mudzimba dzemapango dzine muvakirwo wadzo wakasiyana nedzimwe. Tinoshandisa mbariro, mapango nekuzonama nevhu uyewo topfirira denga nehuswa,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti izvozvi vari kuvaka musha unoratidza chivanhu chedzinza ravo sevaShangwe kudunhu ravo.
Munhu wose anogara hushe hwavo vanoti anogara makore anobvira pamakumi mana zvichienda mberi, chavanoti chiga chinotevedzwa nemazvo.

“Ini ndasvitsa makore 18 ndichitonga, ndichiripo zvakasimba kana ndichitarisa nhoroondo yehushe hwedu.

“Pahushe hwedu, mambo wedu akaita madzimai vakawanda ndiChidzedze aiva nevakadzi vasere uye Gamba aivawo nevatanhatu. Ini ndine madzimai matatu nevana 13, mudzimai wangu mudiki ane makore 20 okuberekwa.”

Pahushe hwavo vanoti havana kumbobvira vakatongwa nemuzukuru kana mutorwa.
Vanoti nhoroondo yedzinza nehushe hwavo hapana mwanasikana akambobvira akahugara, asi zvisingareve kuti haugarwe nevanhukadzi, vanaChihera.

“Munhoroondo yedu, hapana mwana musikana akambogara hushe asi kwete kuti tsika dzedu hadzibvume. Madzimambo ose akagara hushe varume chete asi kana mhondoro dzedu nevakuru vasarudza mwanasikana kuti aite mambo hatirambe, tinozvitambira.

“Munonzwa vanasikana vedu vanaChihera vachinzi vane mbiri yekunetsa varume nekutora misha yevarume kwavanoroorwa, zvinobva mukutonga kwedu sanababa vavo, tinovachengeta zvakanaka saka havadi kuitiswa zvose-zvose,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoramba nyaya yekuti vanasikana vavo vanaChihera havaroorwe vachiti dambudziko ravo chete havaregere zvinhu zvakaipa zvichiitwa nevarume vakavaroora vakatarisa.

“Tinavo isu vakuwasha vedu vakawanda vakaroora vanasikana vedu vanaChihera. Dzinza redu rinoyera Shava, takawanda vamwe vachishevedzwa zvakasiyana asi tingori vamwechete kana tikatevedza nhoroondo yemadzinza. Hushe hwedu hunogadzwa nemidzimu nemhondoro saka haunetsi,” vanodaro.

Mudunhu raMambo Chireya mune masadunhu matanhatu anosanganisira Goredema, Madzivazvido, Makore naMashame.
“Hushe hwedu muno tinoyeresa chisi chemusi weChina, anotyora mutemo wezuva iri anoripiswa mombe. Tinotonga nyaya dzedu nemisi yeSvondo uye mhosva dzinowanda mudare rangu ndedzekutorerana madzimai nemakunakuna.”

Mambo Chireya vanoti chivanhu chehumambo hwavo chinogona kukanganiswa nekuda kwevanhu vakabva kunzvimbo dzakasiyana vachivinga kuzorima donje makore ekuma1960, vazhinji vavo vachibva kuMasvingo nekumwe.

“Chivanhu chedu chamonererana nekuti vagari vemuno vakabva kwakasiyana vachiuya kuzorima donje. Saka muchiona kuno kune nyaya dzevaroyi dzakawanda nezvimwe zvinotika zvinoshamisa zvisina kumbobvira zvakaitika kune dzimwe nzvimbo.

“Nyaya yemwana akatakurwa neshiri, imbwa yakatorwa negondo uyewo tine nzvimbo yeGandavaroyi iyo yaikandwa vanhu vairoya vachiurairwa ikoko. Saka tiri kumutsiridza chivanhu chedu kuno zvizere,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanotsinhira kuti dunhu ravo reGokwe rine huroyi hunokunda ngoma kurira izvo vanoti inyaya dzinogara dzichigadziriswa nehushe hwavo.

Mambo ava vanoti vari kumutsiridzawo magariro evanhu kuti vanababa vagare kumatare, muimba yekubikira vosiira madzimai nevanasikana, kwete kuti vanasikana nevakuwasha vanowanikwa vakazara mudzimba dzekubikira.

VaClifford Chidzivo, vanova mukoma waMambo Chireya, vanoti vane nzvimbo zhinji dzinoyera dzinosanganisira makomo nemadziva mudunhu ravo.
Mudare ramambo vanoti vane makurokota evanhu vemutupo wavo, vanosanganisawo vazukuru nemapurisa amambo nevamwe masahwira.

“Musha wechivanhu uyu une zvakawanda, isu semaShangwe mudzimba idzi dzaigara shato nezvimwe zvombo zvedu zvechivanhu,” vanodaro VaMadzivo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>