‘Vamwe tave kuvarairwa’

25 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
‘Vamwe tave kuvarairwa’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVISINEI nekuti huwandu hwenyaya dzechirwere cheCovid-19 uye ndufu dzacho dziri kuderera, veruzhinji vanokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) ayo akananga kumisa kupararira kwedenda iri.

Matanho aya anosanganisira kupfeka mamasiki nemazvo vanhu vakavhara muromo nemhuno kana vari paruzhinji, kusaungana, kugeza maoko nesipo kana kushandisa mushonga wesanitizer uye kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

VaItai Rusike, avo vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health (CWGH), vanoti kakurivara kavepo munharaunda dzakatsaukana kanogona kumutsa nyaya itsva dzechirwere ichi.

“Chirwere cheCovid-19 chichiriko, hapana chati chasanduka kubva pamitemo yakatarwa neHurumende uye sangano reWHO asi kuti ivo vanhu vari munharaunda ndivo vava kusandura maitiro avo pashoma nepashoma. Vazhinji havachapfeki mamasiki uye vava kuita misangano ine huwandu hunodarika vanhu zana vakatarwa zvinova zvinopa mikana yekunyuka kwedzimwe nyaya dzechirwere ichi. Zimbabwe haisati yabaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuchikamu chinosvika 60-70 percent chevanhu vose vari munyika kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri saka ngatiregei kurivara,” vanodaro.

VaRusike vanoti vanhu vakawanda vava kufunga kuti chirwere cheCovid-19 chakaonekedzana nenyika zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa zvisungo zveLevel 2 lockdown.

“Hurumende yakati kumabhawa kunofanira kupindwa nevanhu vakabaiwa nhomba dzose dziri mbiri, asi vanhu vari kupindamo pasina anombovabvunza makadhi acho uye vamwe vachitoita mabiko. Pane mikana yekuti chirwere ichi chinogona kuuya chine hukasha, zvikuru sei mhando yeDelta variant apo pachauya vanhu kubva kune dzimwe nyika kuzororo reKirisimasi negore idzva,’ vanodaro.

VaRusike vanoti zvakakosha kuti vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi vabaiwe kuitira kuti nyika ikunde mukurwisa denda iri.

“Bazi rezveutano nevatori venhau vane basa guru rekuramba vachifundisa veruzhinji maringe nechirwere cheCovid-19 nekuti kutaura chokwadi vanhu vava kurivara. Vakawanda vanotopfeka mamasiki kana vachinge vaita mahwekwe nemapurisa asika utano hahusi hwemupurisa ndehwedu. Kune dzimwe nyika dzakadai seEurope mitemo yelockdown yava kusimbaradzwa zvekare nekuti chirwere ichi chiri kuramba chichiwedzera zvichitevera kusatevedzwa kwaiitwa mitemo nevamwe vagari veko avo vakanga vava kutoenda kumitambo yebhora, kutuhwinha nekushanya vachifunga kuti denda iri rave kupera,” vanodaro VaRusike.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>