Uncategorized

Akadyiwa negarwe

21 Jan, 2021 - 15:01 0 Views
Akadyiwa negarwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME aizama kuyambuka rwizi rwakazara kwaKandeya, kuMt Darwin, anonzi akafa mushure mekubatwa negarwe.
Assistant Inspector Naison Dhliwayo – avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central – vanotsinhira nyaya iyi.
Vanoti tsaona iyi yakaitika mangwanani emusi wa15 Ndira murwizi rwaRuya apo Nebert Doro (39) wemubhuku raDenhere akabatwa negarwe.
Vanoti nemusi wa14 Ndira nenguva dza5 zuva rodoka, Doro akabva pamba pake achienda kumusha waSabhuku Nyamaridza munzvimbo imwe chete iyi achisiya mudzimai wake, Sabinah Mapondera (30), ari pamba.

Mangwanani ezuva rechimangwana racho, Doro akabva kwaSabhuku Nyamaridza ave kudzokera kumba kwake apo akaedza kuyambuka rwizi Ruya rwainge rwakazara aina Mathius Chari (29).

“Ava pakati perwizi, Nebert Doro anonzi akabva arumwa negarwe achibva any’udzwa mumvura. Mathius Chari akazomhanya kunozivisa Martin Gweshuro (59) wekwaSabhuku Dendere uyo akazonozivisa mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMt Darwin vachibva vatanga kuferefeta nyaya iyi,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

“Nguva ino apo mvura iri kunaya yakawanda tinoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekuyambuka nzizi dzakazara uye vashandise mazambuko, ndokunge bedzi asina kuzara. Kupinda munzizi kana madhamu kunoisa vanhu munjodzi yekurumwa nezvikara zvakaita semakarwe, nyoka nezvimwe kana kuyeredzwa,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Zvichakadai, Asst Insp Dhliwayo vanotiwo kune murume wekuMazowe akakachidzwa nehutsi hwezvombo zvaaishandisa kucheresa goridhe zviri kunze kwemutemo achibva afira pasi pemugodhi nemusi wa15 Ndira.

“Tine murume ainzi Tendai Dzuda uyo akanopinda mumugodhi weStories kuMazowe husiku hwemusi wa15 Ndira apo sahwira wake, Tinashe Nostala (30), akasara ari kunze. Mushure memaawa matatu, Nostala akazoshevedza akanzwa pasina aidavira,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Nostala anonzi akazodzika mumugodhi uyu ndokunonzwa muchinhuwa chiutsi chaikachidza apo akazoshevedza vamwe vachibva vazopinda vose apo vakanowana Tendai Dzuda akafa.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa apo mutumbi waDzuda wakazoburitswa ndokuendeswa kumochari yechipatara cheConcession.

“Tinoyambira vanhu kuti vasiyane nenyaya dzekuchera goridhe zviri kunze kwemitemo asi kuti vaende kubazi rinoona nezvezvicherwa vopihwa matsamba uyewo vosiyana nekupinda mumigodhi isisashande sezvo paine njodzi huru dzavanogona kusangana nadzo,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey