Uncategorized

Akakumba mibairo nekupfeka

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Akakumba mibairo nekupfeka

Kwayedza

1204-3-1-IMGS2984AKANGE ari makuwerere paimwe hotera iri muHarare nemusi weChishanu svondo rapera apo vanhukadzi vakapinda mumakwikwi ekupfeka zvine mutsigo, eKwayedza Africa Woman of the Year 2015, vakatunzvaidzwa pamabiko ekugashidzwa mibairo yavo.

Beauty Mutambu wekwaMurombedzi, kwaZvimba, ndiye akaenda nemubairo mukuru wechitofu che4-plate gas stove pamwe chete ne15 kg gas canister nejira rekusona mbatya dzemucheno.

Patricia Gumunyu wekuBromely akahwinha mubairo wechipiri wefiriji nejira rekuzvisonera mbatya kuchiti Linda Austin wemuHarare akatora wechitatu weDefy 28L microwave.

Vamwe vapfumbamwe vakapihwa mumwe nemumwe wavo jira nemudziyo wekudziisira mvura.

Mutambu akarumbidza makwikwi aya achiti anokurudzira kupfeka kwakadzikama kwevanhukadzi.

“Chirongwa ichi ndinoti dai charamba chichienderera mberi uye kuti chikure. Nhasi ndazviwanira mubairo uye ndiri kufara nekuda kwekungogona kupfeka pamwe chete nekugona kuzvishambidza.

“Makwikwi aya akanakirawo kuti anomutsawo chero mabasa kune vanhu vechidzimai vari mune zvekusona nekuti chero vamwe vaverengi veKwayedza vakaona vari mumakwikwi aya vakapfeka zvakadzikama izvi, vanobva vazvichivawo votanga kupfeka mapfekero akadai,” akadaro Mutambu chiso chake chizere nekufara.

Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Rebecca Chisamba, avo vaiva muyenzi anoremekedzwa, vakati zvakakosha kuti vanhukadzi vapfeke zvakadzikama.

“Kupfeka kwedu muno munyika ngakuve kwakadzikama. Ndinokurudzira kutsvinda kumadzimai nekuti dzimwe wanano dziri kuenda musango nekuda kwekuti mudzimai atadza kutsvinda. Kupfeka kwatinoita, kunyanya madzimai, kunotaura zvakawanda pamusoro pehunhu hwedu, magariro netsika. Vanhukadzi vanofanira kufarirawo kugeza nekuti makwikwi eKwayedza aya anotarisa chero kutsvinda chaiko, haisi nyaya yehembe chete. “Munhu haafaniri kuzivikanwa nekamwe kamunhuwi kekuti kana vanhu vachida kuziva kuti ambopfuura nepavari vanofemedza.

“Kugeza kwakakosha uye kupfeka hembe dzinonyatsokwana kwete hembe yekuti munhu chero akahotsira naiyo inobva yabvarukawo nekubata kwainenge ichiita. Kune mamwe madzimai ava kurasiswa nefashoni dziriko mazuva ano zvekuti vanenge vava kuburitsa dzimwe nyama panze dzisingafaniri kuonekera semikaka,” vakadaro Mai Chisamba.

Vakaenderera mberi vachiti: “Fashoni iri pamamiriro akaita muviri wako nehunhu hwako, kwete hembe dziri kubuda mazuva iwayo. Kune vamwewo vachine dambudziko rekudzokorora zvipfeko zvemukati chaizvo inova tsika isina kunaka nekuti zvinotakura hwema hwakashata kana zvichinge zvadzokororwa.” Mupepeti webepanhau reKwayedza, Patrick Shamba, akati madzimai anofanirwa kutsigira chirongwa ichi sezvo chichikurudzira mapfekero evanhukadzi ane mutsigo.

“Chirongwa ichi chakanakira pakuti chinokurudzira vanhukadzi kuti vapfeke zvakanaka uye zvakadzikama. Hongu, mapfekero ose akanaka kumunhu, asi zvinoenderana nekuti munhu ari panzvimbo ipi uye nezvaanenge achiita.

“Asi isu seKwayedza, tinoti vanhu vanofanira kupfeka zvinoyemurika. Izvi ndizvo zvinoita kuti tirambe tichikurudzira madzimai kuburikidza nemakwikwi aya, kuti vapfeke zvinofambidzana netsika dzedu dzechivanhu,” akadaro Shamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey