Uncategorized

Akapisirwa danga remombe

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Akapisirwa danga remombe Sabhuku Goto

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA yatsikamutanda wekunzi akanwisa muteyo mumwe mudzimai wekwaMangwende, kwaMurehwa, izvo zviri kunzi zvakazokonzera rufu rwake yave nepamwe sezvo ave kupomerwa kupisa danga remombe dzasabhuku weko achiti vane chekuita nekufumurwa kwakaitwa nyaya iyi neKwayedza.

Tsikamutanda uyu akaridzira zvakare nhare mutori wenhau uno achimutyisidzira kuti anoda kumuroya kuburikidza nekumunokora tsoka dzake.

Nhamba dziri kushandiswa natsikamutanda uyu ndedzinoti 0777 717 698 uye dzinoburitsa zita rekuti Kundayi Murambiwa.

Kwayedza masvondo maviri adarika yakaburitsa nyaya yatsikamutanda anozviti Booster kana kuti Sekuru Bere.

Booster ndiye ari kupomerwa kuti akapa Mai Eritisia Katsamba vemubhuku raGoto mushonga semuteyo kuti vanwe izvo zvinonzi ndizvo zvakazokonzera kufa kwavo.

Kubvira kushanya kwakaita Kwayedza kunzvimbo iyi ichinotapa nyaya iyi, Sabhuku Goto VaKanganise Zharima (79) vari kungofona siku nesikati kumunyori uno vachiti vari kufurufushwa naBooster vachinzi ndivo vakaita kuti nyaya iyi ibude muKwayedza.

Sabhuku Goto vakazotumira munyori uno mashoko panhare anoti, “Ndakapisirwa danga remombe husiku ndinofunga ndivo vanhu vaye vari kundinetsa huyai mupedze nyaya dzenyu cz ndakufira dzandisingazive asi musauye mangwana huyai Thursday (China) ndapisirwa kuma1 husiku”.

Munyori uno anopomerwa zvakare naBooster kuti akaamubira mari inokwana $3 400, bhegi raiva nenhumbi dzake dzebasa apo akanotapa nhau iyi.

Paakaudzwa kuti kana akabirwa ngaende anomhan’ara kumapurisa, Booster akapindura achiti, “Kana mushonga wekugadzira munhu akatsika mumatare angu ndinouziva zvisingaite nekuti tsoka ndanadzo nw ngatiraramei tione”.

Kwayedza yakazotaura naBooster uyo anoti zita rake chairo anonzi Navson Shereni.

Asi paakabvunzwa kuti sei zita iri rakasiyana nerakanyoreswa pamutsara wenhare (line) yaanoshandisa kutumira mashoko, akabva adzima foni yake.

“Ini handisirini ndakapisa danga raSabhuku Goto, ndakatoshamisika kunzwa nezvenyaya iyoyo. Ndaitova kuBinga pazvakaitika uye ndakatobva muraini mavo, ndava kushandira kumwe.

“Mai vaya vakashaya vamakanyora vakatofa ndisati ndavapa mishonga yangu, makanyeberwa paya. Ivo sabhuku vari kundidaro asi ndakatopinda munzvimbo mavo zviri pamutemo ndikavapa mbudzi nhatu nehuku mbiri zvekuvasuma.

“Ndaitoenda navo kuzvitoro ndichivatengera zvinwiwa, nhasi vondidaro.

“Ndava kushandira hangu kumwe uye ndiri murapi akanyoresa kuZinatha nekuTraditional Medical Practioner’s Council (TMPC) zvisinei nekuti zvaka’expire’ nekuti ndatova negore ndisingabhadhare,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Pandaikutumirai mameseji inhau yezvaitaurwa nevanhu munharaunda vachiti kwauya maCIO handina kuziva kuti muri vatori venhau” anodaro Booster.

Anoti dzimwe hembe dzake dzaaiti dzakabiwa nemutori wenhau uno akadziwana kumba kwaSabhuku Goto, ndiko kusaka ari kuvapomera mhosva yekuba.

“Ndakaenda kumba kwavo ndikawana mamwe maT-shirts angu maviri andakatotambidzwa nemuzukuru wavo. Ndiko kusaka ndiri kuti vakaba zvinhu zvangu,” anodaro.

Abvunzwa kuti anoziva here kuti kuita hutsikamutanda nekupumha huroyi hazvitenderwe nemutemo uye imhosva, Booster anongotsenga-tsenga mukanwa.

Kune vanhu vakawanda vanozviti ana tsikamutanda avo vanonyonganisa mhuri vachibira vanhu zvipfuyo nehumwe upfimi apo vanonyebera kuchenura misha yavo nekupumha huroyi.

Vanhu ivava vanonzi in’anga kana kuti maporofita enhema uye vanonzi vane tsika yekukandira vanhu vavanoda “kushandira” nyoka nezvimwe zvinhu mudzimba.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Mangwende pamusoro penyaya ino kusvika payazodhindwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey