Uncategorized

Amai nemwana vakayeredzwa

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Amai nemwana vakayeredzwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaMambo Nyashanu, kuBuhera, anonzi svondo rapera akayeredzwa nemvura pamwechete nemwana wake waaive akabereka kumusana apo akaedza kuyambuka rwizi rwainge rwakazara.

Njodzi iyi inotevera mvura yakanaya yakawanda iine dutu kuBuhera svondo rakapera ikasiya yaparadza mazambuko nezvimwe zvivakwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Lucia Dune (18), pamwechete nemwana wake ane mwedzi mipfumbamwe ainzi Nokutenda Mazakwata uyo aive kumusana, vakayeredzwa nerwizi Murambwi.

“Tine tsaona yemudzimai akayeredzwa nemvura murwizi rwaMurambwi rwaiva rwuzere apo akaedza kuyambuka akabereka mwana wake nemusi wa4 Zvita. Mutumbi waamai ava wakazowanikwa panodirira rwizi Murambwi munaSave nemusi wa5 Zvita. Mutumbi wemwana hausati wawanikwa uye uchiri kutsvagwa nenyanzvi dzedu dzeSub Aqua Unit,” vanodaro Asst Insp Chananda. 

Vanoti Dune akayeredzwa zuva rodoka apo aibva mubhuku rekwaMazakwata kunohodha mango aine vamwe vake avo vakakwanisa kuyambuka.

“Amai ava vaivewo nevamwe vaisanganisira Anyway Mazakwata (15) naMorgan Chirau (15) avo vakakwanisa kuyambuka ndokuenda kumhiri vanova ndivo vakazonozivisa veruzhinji kuti mudzimai uyu nemwana vainge vayeredzwa.

“Veruzhinji vakazotsvaga mitumbi iyi apo vakanowana waamai pamadirirano erwizi Murambwi naSave,” vanodaro Asst Insp Chananda. 

Mutumbi uyu wakazoendeswa kuchipatara cheMurambinda uko wakakumikidzwa nemutongi wedare redzimhosva reko. 

Asst Insp Chananda vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekuyambuka nzizi dzinenge dzakazara.

“Vanhu ngavasiyane nekuyambuka nzizi dzizere nekuti zvine njodzi, vanogona kuyeredzwa kana kurumwa nezvikara. Chionai amai ava nemwana wavo vakarasikirwa neupenyu, dai vakamira mvura yakaserera. 

“Tinewo vanhu vane chitsama vari kurohwa nemheni mudunhu redu saka tinoti vasahwande mvura inonaya pasi pemiti asi kuti ngavapinde mudzimba,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey