Uncategorized

Anorova mukadzi, omunwisa mushonga

05 Nov, 2019 - 17:11 0 Views
Anorova mukadzi, omunwisa mushonga

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MUMWE mudzimai anoti murume wake pose paanomurova anomumanikidza kuti anwe mushonga wekunamisa mapaipi (pipe bond) achida kumuuraya.

Glady Majesa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Previous Madondo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Majesa gwaro rinomudzivirira ndokukohomedza Madondo kuti asiyane netsika yake iyi achiti mushonga waanonzi ari kumanikidza mudzimai wake kuti anwe unokanganisa utano zvikuru.

“Murume wangu anondishungurudza nekundirova uye kuda kundidzinga pamba patiri kuchengeta izvo zvasaka kuti ndiuye kudare uye ane tsika yekundinwisa mushonga unokuvadza akandidzipa pahuro achindimanikidza,” anodaro Majesa.

Anoti ava kutyira utano hwake kuti hunozokanganisika sezvo izvi zvava nenguva zvichiitika.

Madondo anoramba zvose zviri kutaurwa achiti mudzimai wake munhu anotaurisa uye ane manyepo .

“Mukadzi uyu ane pamuromo pasingamharwe nenhunzi, saka kunetsana kwedu hakumboperi. Mazuva mashoma apfuura akatora nharembozha yangu nechisimba tikapedzisira tarwa achiramba nayo,” anodaro Madondo.

Anoti haana kumbobvira anwisa mudzimai wake mushonga wekunamisa mapaipi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey