Baiwai mudzoke kunhandare: Coventry

15 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Baiwai mudzoke kunhandare: Coventry Dr Coventry

Kwayedza

Abel Ndooka

GURUKOTA rezvemitambo, nevechidiki, Kirsty Coventry, ari kukurudzira vatsigiri kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuitira kuti vagobvumidzwa kudzoka kunhandare kunotsigira zvikwata zvavo zvenhabvu.

Achitaura apo kambani yeSakunda Holdings yanga ichiparura rutsigiro rwayo kuzvikwata zvikuru zviviri zvenhabvu muno, cheDynamos necheHighlanders, Coventry anoti, vatsigiri ngavabaiwe nhomba idzi kuitira kuti vagodzoka kunhandare kunoona zvikwata zvavo zvichitamba.

“Tinotsigira pfungwa dzekuti vatsigiri vadzoke kuzoona zvikwata zvavo zvichitamba, asi kuti izvi zviitike, ngatingei takabaiwa nhomba dzeCovid-19.

“Tasuwa kuona nhabvu ichitambwa, saka ngatinobaiwai kuti zviite nyore tigopihwa mvumo yekudzoka munhandare,” anodaro Coventry.

Achitaurawo pachiitiko ichi, sachigaro weDynamos FC, Isaiah Mupfurutsa, anoti sechikwata, vari kushanda kubatsira vatsigiri vavo kuti vabaiwe majekiseni eCovid-19 kuitira kuti zvigovabatsira kuzoona mitambo yechikwata chavo nekukasika.
Mupfurutsa anoti sechikwata, vakatanga chirongwa icho vari kukurudzira vatsigiri vavo kuti vanobaiwa majekiseni eCovid-19.

“Dynamos chikwata chikuru uye chine vatsigiri vakawanda muno nepasi rose. Naizvozvo takatanga chirongwa chekuvakurudzira kuti vanobaiwa majekiseni aya.

“Nhabvu inoda pane vatsigiri nesuwo tasuwa vatsigiri vedu. Saka tiri kuvaudza kuti ngavabaiwe nekuchimbidza kuitira kuti vagouya kuzoona mitambo yedu.

“Kana vakabaiwa zvinoita nyore kuti vagouya kuzoona mitambo yedu, isu tiri kukurudzira kuti vanobaiwa uye vari kuenda nehuwandu hwavo,” anodaro Mupfurutsa.

Anoenderera mberi achiti kutsigirwa kwechikwata chavo pamwe necheBosso kuchaona zvikwata zviviri izvi zvichisimukira uye anoti mumakore mashoma chikwata chavo vanoda kuti chidzokere mukukwikwidza mitambo yeCAF Champions League.
“Zvikwata zviviri izvi zvikuru uye zvinozivikanwa. Zvichasimukira chaizvo mumatambiro azvo. Mumwaka inotevera tinofanirwa kukwikwidza mumitambo yeCAF Champions League,” anodaro.

Sakunda Holdings yadira mari inosvika US$5,4 miriyoni yemakore matatu. Mwaka woga woga zvikwata izvi zvichawaniswa mari inosvika US$890 000 kwemakore matatu anotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey