Uncategorized

‘Barber’ kubva 1956 . . .‘ndinogera mashefu’

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Barber’ kubva 1956 . . .‘ndinogera mashefu’ VaFelix Chibuda — Mufananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anoita basa rekugera vanhu vhudzi mumisoro muHarare anoti achengetedza basa iri kwemakore 63 adarika izvo zvamuita kuti agadzire misoro yevanhu vakawandisa — vanosanganisira vaimbova President, Vice President, Prime Minister, magamba enyika, makurukota eHurumende nevemabhizimisi.

Vamwe vevakagadzirwa vhudzi naVaFelix Chibuda (74) ndevanoti vashakabvu VaCanaan Banana avo vakava President wekutanga weZimbabwe, naBishop Abel Muzorewa avo vakambotongawo kwechinguva chipfupi hurumende yenyika yavaiti Zimbabwe-Rhodesia saPrime Minister.

Mushakabvu Vice President Joseph Msika vaimbogerwawo nemurume uyu.

VaChibuda vanoti vagara mubasa rekugera vhudzi kubva kuma1950 kusvika zvino.

VaChibuda — avo vanobva mubhuku raBokosha, kuNharira, kuChivhu — vanoti vakatanga basa rekugera vanhu misoro mugore ra1956 apo vaiva mwana wechikoro kwakare kuChivhu. “Kubva mugore ra1956 apo ndaiita Standard 3 kusvika Standard 6 pachikoro cheBadza Primary, headmaster vepo vaiva mushakabvu gamba renyika Tichaona Jokonya, ndipo pandakadzidzira zvekugera vhudzi. Kusvika nhasi handina kumbobvira ndakamira kuita basa iri zvinova zvandiraramisa.

“Ndakadzidziswa basa iri nasahwira wangu anonzi Ramson Zamba apo takazouya tose kuno kuHarare ichiri kunzi Salisbury, Zimbabwe ichiri Rhodesia ndokufambira mberi nekugera misoro,” vanodaro.

VaChibuda vanoti vakazoita mbiri mubasa ravo kubva mugore ra1976 apo vaigera vanhu vane mukurumbira sevaiita zvematongerwo enyika.

“Vazhinji vane mukurumbira ndakatanga kuvagera vhudzi vasati vaenda kuhondo, ndokuzoti vadzoka mugore ra1980 nyika ino payakawana kuzvitonga kuzere tava muZimbabwe ndikaenderera mberi nekuvagera. Vaitanga vatorwa mifananidzo, pane yainzi George Studio iyo yaiva panhamba 15 Julius Nyerere panova paitorwa vezvematongerwo enyika mifananidzo nevamwewo.

“Vabuda imomo, vaibva vauya musaloon mangu ndovagera nekuti iniwo ndaiita zvematongerwo enyika kubva kuma1950 ikoko apo ndakambova secretary-general weZapu.”

VaChibuda vanoti vamwe vevanhu vane mukurumbira nemagamba enyika vavakagera vhudzi kwenguva yakareba vanosanganisira vashakabvu Cdes Stan Mudenge, Kumbirai Kangai, Zororo Duri, Justin Nyoka, Willie Dzawanda Musarurwa, Edgar Tekere, Josiah Chinamano naGeneral Solomon Mujuru.

Vanoti pane nguva yavaigerawo vaimbova makurukota ezvemari Cde Christopher Kuruneri naCde Herbert Murerwa.

“Ndisingakanganwe muridzi wemabhazi aMunorurama, VaNzira, VaBen Mucheche vemabhazi zvakare vaivawo makasitoma angu chaiwo, kuchiziti muchakabvu Abel Muzorewa nevamwe vakawanda ndini ndaivagera ndichipihwa mari yakanaka kwazvo,” vanodaro VaChibuda.

Vanoti kuburikidza nebasa ravo rekugera misoro iri, vakakwanisa kuvaka musha wavo nekuita zvimwe zvakasiyana.

“Kuburikidza nebasa rangu rekugera, ndakavaka musha wangu wakanaka kuChivhu nemombe 15. Ndakaroora mudzimai wangu Tracey Chibuda (65) tikaita vana vedu vasere asi mumwe chete akafa. Vose vana ava vakaenda kuchikoro zvakanaka uye vanoshanda mabasa akanaka kuburikidza nekugera.

“Ndinewo purazi randinorima riri kuChivhu, uyezve ndakavakawo imba ikapera kuGlen View 3, muno muHarare,” vanodaro.

VaChibuda vanoyambira vechidiki kuti vasasarudze mabasa.

“Vanhu ngavarege kushora mabasa avo nekuti basa chipo chinobva kuna Mwari, nekudaro rangu ndichinaro basa iri nanhasi — makore 63 ndaritanga,” vanodaro VaChibuda..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey